Dheuteronomi 6:1-25

  • Ida Jehovha nemwoyo wako wese (1-9)

    • “Teerera, haiwa iwe Israeri” (4)

    • Vabereki vanofanira kudzidzisa vana (6, 7)

  • Usakanganwa Jehovha (10-15)

  • Usaedza Jehovha (16-19)

  • Udza chizvarwa chinotevera (20-25)

6  “Iyi ndiyo mirayiro, nemirau, nemitongo yawakapiwa naJehovha Mwari wako kuti akudzidzise, kuti uichengete paunenge wayambuka uchipinda munyika yauri kufanira kutora,  kuti utye Jehovha Mwari wako, wochengeta mirau yake yese nemirayiro yake yandiri kukurayira, iwe nemwanakomana wako nemuzukuru wako,+ mazuva ese eupenyu hwako, kuti urarame kwenguva refu.+  Uye unofanira kuteerera, haiwa iwe Israeri, wonyatsoichengeta, kuti ubudirire, muwande munyika inoyerera uchi nemukaka, sezvamakapikirwa naJehovha, Mwari wemadzitateguru enyu.  “Teerera, haiwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.+  Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese+ nesimba rako rese.*+  Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako,  uye unofanira kuramba uchiadzokorora kuvanakomana vako,+ uchitaura nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.+  Asungirire sechiyeuchidzo paruoko rwako, uye anofanira kuva serundanyara* pahuma yako.*+  Anyore pamagwatidziro* eimba yako nepamagedhi ako. 10  “Jehovha Mwari wako paachakupinza munyika yaakapika kumadzitateguru ako Abrahamu, Isaka, naJakobho kuti achakupa,+ ine maguta makuru, akanaka ausina kuvaka,+ 11  dzimba dzakazara zvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka zvausina kushandira, matsime akacherwa pamatombo ausina kuchera, uye minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yausina kudyara, wodya woguta,+ 12  chenjera kuti usakanganwa Jehovha,+ akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yeuranda. 13  Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kutya,+ uye ndiye waunofanira kushumira,+ uye unofanira kupika nezita rake.+ 14  Musatevera vamwe vanamwari, chero vanamwari vapi zvavo vemarudzi akakupoteredzai,+ 15  nekuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.+ Mukavatevera, Jehovha Mwari wenyu achakutsamwirai kwazvo+ okuparadzai panyika.+ 16  “Musaedza Jehovha Mwari wenyu,+ sekumuedza kwamakaita paMasa.+ 17  Munofanira kunyatsochengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezviyeuchidzo zvake nemirau yake zvaakakurayirai kuti muchengete. 18  Munofanira kuita zvakarurama uye zvakanaka pamberi paJehovha, kuti muzobudirira uye kuti mupinde, mutore nyika yakanaka kwazvo yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha,+ 19  nekudzinga vavengi venyu vese pamberi penyu, sezvakapikirwa naJehovha.+ 20  “Kana ukabvunzwa nemwanakomana wako mune ramangwana kuti, ‘Zviyeuchidzo, nemirau nemitongo yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinomborevei?’ 21  ibva wati kumwanakomana wako, ‘Takava varanda kuna Farao muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti neruoko rune simba. 22  Saka Jehovha akaramba achiisa zviratidzo nezvishamiso, zvikuru uye zvinoparadza, paIjipiti,+ pana Farao, nepaimba yake yese isu tichizviona.+ 23  Uye akatibudisa imomo kuti atiunze kuno kuti atipe nyika yaakanga apikira madzitateguru edu.+ 24  Jehovha akabva atirayira kuti tichengete mirau yese iyi uye titye Jehovha Mwari wedu kuti zvirambe zvakatinakira,+ toramba tiri vapenyu+ sezvatiri nhasi. 25  Uye tichanzi takarurama kana tikachenjerera kuita mirayiro iyi tichiteerera Jehovha* Mwari wedu, sezvaakatirayira.’+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nezvauinazvo zvese.”
ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”
Ichi chishongo chinosungwa chakatenderera musoro chakadai sechuma kana chimwewo chinhu.
Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.
ChiHeb., “pamberi paJehovha.”