Mapisarema 23:1-6

  • “Jehovha ndiye Mufudzi wangu”

    • “Hapana chandichashayiwa” (1)

    • “Anondizorodza” (3)

    • “Kapu yangu iri kupfachukira” (5)

Rwiyo rwaDhavhidhi. 23  Jehovha ndiye Mufudzi wangu.+ Hapana chandichashayiwa.+   Anondirarisa mumafuro akasvibirira;Anonditungamirira kunzvimbo dzekuzororera dzine mvura zhinji.+   Anondizorodza.*+ Anonditungamirira munzira dzekururama* achiitira zita rake.+   Kunyange ndichifamba mumupata werima gobvu,+Hapana chandinotya,+Nekuti imi muneni;+Tsvimbo yenyu nemudonzvo wenyu zvinondipa chivimbo.*   Munondigadzirira tafura yezvekudya pamberi pevavengi vangu.+ Munonyevenutsa musoro wangu nemafuta;*+Kapu yangu iri kupfachukira.+   Chokwadi kunaka uye rudo rusingachinji zvichanditevera mazuva ese eupenyu hwangu,+Uye ndichagara mumba maJehovha mazuva angu ese.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Anozorodza mweya wangu.”
ChiHeb., “mumakwara ekururama.”
Kana kuti “zvinondinyaradza.”
Kana kuti “Munozora musoro wangu mafuta.”