Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 24:1-51

  • CHIRATIDZO CHEKUVAPO KWAKRISTU (1-51)

    • Hondo, kushomeka kwezvekudya, kudengenyeka kwenyika (7)

    • Kuparidzwa kwemashoko akanaka (14)

    • Kutambudzika kukuru (21, 22)

    • Chiratidzo chekuvapo kweMwanakomana wemunhu (30)

    • Muonde (32-34)

    • Semazuva aNoa (37-39)

    • Rambai makarinda (42-44)

    • Muranda akatendeka uye muranda akaipa (45-51)

24  Jesu paakanga ava kubva patemberi, vadzidzi vake vakaenda kwaari kuti vamuratidze zvivakwa zvetemberi.  Akavapindura achiti: “Handiti muri kuona zvinhu zvese izvi? Chokwadi ndinoti kwamuri, matombo ese ari pano achakoromorwa zvekuti hapana richasara riri pamusoro perimwe.”+  Paakanga akagara pasi muGomo reMiorivhi, vadzidzi vakaenda kwaari vari vega, vakati: “Tiudzei, zvinhu izvi zvichaitika riini, uye chii chichava chiratidzo chekuti mavapo*+ uye chekuti nyika yava kumagumo kwayo?”*+  Jesu akavapindura achiti: “Chenjerai kuti parege kuva nemunhu anokutsausai,+  nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachatsausa vazhinji.+  Muchanzwa nezvehondo nemashoko pamusoro pehondo. Musazovhundutswa nazvo, nekuti zvinhu izvi zvinofanira kuitika, asi mugumo unenge usati wasvika.+  “Nekuti rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo,+ uye kuchava nenzara+ nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda.+  Zvese izvi zvichava kutanga kwemarwadzo anotambudza.  “Vanhu vachaita kuti mutambudzwe+ uye vachakuurayai,+ uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.+ 10  Uyewo, vazhinji vachasiya kutenda,* vachatengesana uye vachavengana. 11  Vaprofita venhema vazhinji vachamuka votsausa vanhu vazhinji;+ 12  uye kuwedzera kwekusateerera mutemo kuchaita kuti rudo rwevazhinji rutonhore. 13  Asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.+ 14  Uye aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese,+ mugumo wozosvika. 15  “Saka pamunoona chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese, chakataurwa nezvacho nemuprofita Dhanieri, chimire panzvimbo tsvene+ (anoverenga ngaanzwisise), 16  vaya vanenge vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.+ 17  Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka kuzobudisa zvinhu mumba make, 18  uye munhu ari mumunda ngaarege kudzokera kumba kunotora nguo yake yekunze. 19  Vane nhamo vakadzi vanenge vaine pamuviri nevaya vanenge vachiyamwisa mumazuva iwayo! 20  Rambai muchinyengetera kuti pamuchatiza irege kuva nguva yechando, kana kuti rirege kuva zuva reSabata; 21  nekuti panguva iyoyo pachava nekutambudzika kukuru+ kusati kwamboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazomboitikizve.+ 22  Ndingatoti kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa; asi mazuva iwayo achatapudzwa nekuda kwevakasarudzwa.+ 23  “Panguva iyoyo kana munhu akati kwamuri, ‘Uyai muone! Kristu ari kuno,’+ kana kuti, ‘Uyo!’ musazvibvuma.+ 24  Nekuti vanaKristu venhema nevaprofita venhema+ vachamuka uye vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, kuti kana zvichiita, vatsause+ kunyange vakasarudzwa. 25  Onai! Ndiri kukuyambirai. 26  Saka kana vanhu vakati kwamuri, ‘Onai! Ari murenje,’ musabuda; ‘Onai! Ari mudzimba dzemukati,’ musazvibvuma.+ 27  Nekuti sekubva kunoita mheni kumabvazuva ichipenya yakananga kumavirira, ndizvo zvichaitawo kuvapo* kweMwanakomana wemunhu.+ 28  Kwese kunenge kuine mutumbi, ndiko kuchaungana makondo.+ 29  “Kutambudzika kwemazuva iwayo kuchangobva kuitika, zuva richasviba,+ uye mwedzi hauzovheneki, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga, uye masimba ekudenga achazununguswa.+ 30  Chiratidzo cheMwanakomana wemunhu chichabva chaoneka kudenga, uye madzinza ese epanyika achazvirova neshungu,+ uye achaona Mwanakomana wemunhu+ achiuya ari pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.+ 31  Uye achatuma ngirozi dzake nekurira kukuru kwebhosvo, uye dzichaunganidza vanhu vake vaakasarudza vachibva kumativi mana, kubvira kune mumwe mugumo wedenga kusvikira kune mumwe mugumo.+ 32  “Dzidzai mufananidzo uyu pamuonde: Mapazi awo paanotanga kutungira obudisa tumashizha, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo.+ 33  Nemiwo pamunoona zvinhu zvese izvi, zivai kuti iye ava pedyo, pamasuo.+ 34  Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri zvinhu zvese izvi zvisati zvaitika. 35  Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haazombopfuuri.+ 36  “Hapana munhu anoziva zuva racho kana nguva yacho,+ kunyange ngirozi dzekudenga kana Mwanakomana, asi Baba vega.+ 37  Nekuti sezvakanga zvakaita mazuva aNoa,+ ndizvo zvazvichaitawo pakuvapo* kweMwanakomana wemunhu.+ 38  Nekuti sezvavaiita mumazuva iwayo Mafashamo asati auya, vaidya nekunwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka,+ 39  vasingacherechedzi kusvikira Mafashamo auya akavakukura vese,+ ndizvo zvichaitikawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu. 40  Panguva iyoyo varume vaviri vachange vari mumunda; mumwe achaendwa naye, mumwe achisiyiwa. 41  Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo rimwe chete; mumwe achaendwa naye, mumwe achisiyiwa.+ 42  Saka rambai makarinda nekuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya riini.+ 43  “Asi zivai chinhu chimwe chete ichi: Kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya panguva ipi yekurinda,*+ angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe.+ 44  Saka nemiwo ivai vakagadzirira,+ nekuti Mwanakomana wemunhu ari kuuya panguva yamusingafungiri. 45  “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake kuti atungamirire veimba yake, achivapa zvekudya zvavo panguva yakakodzera?+ 46  Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita izvozvo paanouya!+ 47  Chokwadi ndinoti kwamuri, achamugadza pazvinhu zvake zvese. 48  “Asi kana zvikaitika kuti muranda akaipa iyeye anoti nechemumwoyo, ‘Tenzi wangu ari kunonoka,’+ 49  otanga kurova vamwe varanda, achidya nekunwa nezvidhakwa zvinozivikanwa, 50  tenzi wemuranda iyeye achauya pazuva raasingafungiri uye panguva yaasingazivi,+ 51  uye achamuranga zvakaomarara uye achamupa mugove wake pamwe chete nevanyengeri. Ikoko ndiko kwaachachema ari achirumanisa mazino.+

Mashoko Emuzasi

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Kuvapo.”
Kana kuti “mamiriro ezvinhu ava kumagumo kwawo.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “vachagumburwa.”
Kana kuti “nguvai usiku.”