Tsamba kuvaRoma 12:1-21

  • Ipai miviri yenyu sechibayiro chipenyu (1, 2)

  • Zvipo zvakasiyana-siyana asi muviri mumwe (3-8)

  • Mazano emararamiro emuKristu wechokwadi (9-21)

12  Saka hama, ndinokutetererai netsitsi dzaMwari kuti mupe miviri yenyu+ sechibayiro chipenyu uye chitsvene+ chinogamuchirwa naMwari, basa dzvene ramunoita muchishandisa pfungwa dzenyu.+  Uye regai kusiya nyika ino ichikuumbai,* asi pfungwa dzenyu ngadzishandurwe,+ kuti muve vatsva, muzive mega+ kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.  Nekuti nekungonzwirwawo nyasha kwandakaitwa, ndinoudza munhu wese ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga,+ asi kuti afunge zvinoratidza kuti ane pfungwa dzakanaka, mumwe nemumwe sekupiwa* kwaakaitwa chiyero chekutenda naMwari.+  Nekuti sezvo tiine nhengo zhinji pamuviri mumwe chete,+ asi nhengo dzacho dzisingaiti mabasa akafanana,  isu, kunyange zvazvo takawanda, tiri muviri mumwe chete uri pamwe naKristu, asi mumwe nemumwe wedu inhengo yakabatana nedzimwe.+  Saka sezvo tiine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzatakangoratidzwawo,+ kana chiri chipo chekuprofita, ngatiprofitei zvinoenderana nekutenda kwedu;  kana huri ushumiri, ngativei paushumiri uhwu; kana kuti uya anodzidzisa, ngaave pakudzidzisa kwake;+  kana kuti uya anokurudzira, ngaakurudzire;+ uya anopa,* ngaazviite akasununguka;+ uya anotungamirira, ngaazviite nemwoyo wese;+ uya anonzwira vamwe tsitsi, ngaazviite achifara.+  Rudo rwenyu ngarurege kuva neunyengeri.+ Semai zvakaipa;+ batisisai zvakanaka. 10  Parudo rwenyu sehama, dananai nemwoyo wese. Pakukudzana, mumwe nemumwe wenyu ngaatange iye.+ 11  Shandai nesimba, musingaiti zveusimbe.+ Pisai nemweya.+ Shandirai Jehovha* sevaranda.+ 12  Farai patariro. Tsungirirai pakutambudzika.+ Rambai muchinyengetera.+ 13  Ipaiwo vatsvene zvavanenge vachishayiwa.+ Garai muchigamuchira vaenzi zvakanaka.+ 14  Rambai muchikomborera vaya vanokutambudzai;+ komborerai uye musatuka.+ 15  Farai nevanofara; chemai nevanochema. 16  Onai vamwe semaonero amunozviita; musaisa pfungwa dzenyu pazvinhu zvakakwirira, asi tungamirirwai nezvinhu zvakaderera.+ Musazviona semakachenjera.+ 17  Musadzorera chakaipa nechakaipa.+ Fungai zvakanakira vanhu vese. 18  Kana zvichiita, itai zvese zvamunogona kuti muve nerugare nevanhu vese.+ 19  Musatsiva, vadiwa, asi zvisiyirei kuna Mwari kuti aratidze hasha;+ nekuti zvakanyorwa kuti: “‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza,’ anodaro Jehovha.”*+ 20  Asi “kana muvengi wako aine nzara, mupe zvekudya; kana aine nyota, mupe chekunwa; nekuti ukadaro unenge watutira mazimbe emoto pamusoro wake.”*+ 21  Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mamiriro ezvinhu epanguva ino achikuumbai.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “sekugoverwa.”
Kana kuti “anobvisa mupiro.”
Kureva kuti unenge uchipfavisa munhu wacho uchinyungudutsa kuoma kwaanenge akaita.