Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

GEORGIA

Vakayeuka Musiki Wavo Mukuru

Vakayeuka Musiki Wavo Mukuru

Vakawanda vevanhu vatanzwa nezvavo munyaya dzapfuura, ‘ndevechidiki vakayeuka Musiki wavo Mukuru mumazuva eudiki hwavo.’ (Mup. 12:1) Pamapiyona 3 197 ari muGeorgia, mumwe chete pavatatu vavo ane makore 25 kana kuti ari pasi. Chii chiri kuita kuti vechidiki vakawanda kudaro vaite zvakanaka pane zvekunamata?

Zvinoita sekuti pane zvakati wandei zviri kuita kuti zvidaro. Chimwe chacho ndechekuti, mhuri dzakawanda dzemuGeorgia dzinodanana. Konstantine, uyo akarera vana vake 5 muchokwadi, anoti: “Kuziva kuti Jehovha ndiBaba vane rudo ndiko kwakaita kuti ndifarire chokwadi. Inini pandakazovawo baba, chinangwa changu chaiva chekuti vana vangu vanzwe vakasununguka kana vaineni.”

Malkhazi nemudzimai wake, avo vane vana 3, vanoita zvese zvavanogona kuti vanyatsova neushamwari hwakasimba semhuri. Malkhazi anoti: “Tinogara tichiudza vana vedu kuti vafunge nezvezvinhu zvavanofarira pamunhu mumwe nemumwe ari mumhuri, tozovakumbira kuzvitaura pakunamata kwemhuri. Izvi zvakaita kuti vadzidze kuona zvakanaka zvinoitwa nevamwe uye kuvakoshesa.”

“Iye Zvino Ndine Upenyu Hunogutsa!”

Kuwedzera pakudzidziswa kunoitwa vana nevabereki, vakuru vanoedza kuita kuti vana vapiwe zvekuita muungano vachiri vadiki chaizvo. Nestori, uyo akabhabhatidzwa aine makore 11, anoti: “Vakuru vaindipa tumabasa twekuita kubvira ndichiri mudiki chaizvo. Izvi zvakaita kuti ndinyatsonzwa kuti ndiri nhengo yeungano.”

Kuva nevanhu vanoita zvakanaka vekutevedzera uye kutsigira kwevakuru kunokoshawo. Koba, mukoma waNestori, anoti: “Upenyu hwangu pandaiyaruka hwainge husina gwara, kusiyana nezvakaitika kune munin’ina wangu nehanzvadzi dzangu pavaiyaruka. Mumwe mukuru wechidiki, uyo wandaiyemura maitire aaiita zvinhu, aigara achindinzwisisa uye aisandifungira zvisiri izvo. Akandibatsira chaizvo kuti ndidzoke kuna Jehovha.”

Iye zvino, Nestori naKoba, pamwe chete nehanzvadzi yavo inonzi Mari, vari kushumira vese kundima iri kure nemaguta. Koba anoti, “Iye zvino ndine upenyu hunogutsa!”

“Vana Vangu Vari Kuramba Vachifamba Muchokwadi”

Hofisi yebazi iri kuedza chaizvo kutsigira zviri kuitwa nevabereki pakudzidzisa vana vavo, nekuita kuti vaKristu vechidiki vabatanidzwewo mumabasa esangano. Imwe hama iri muDare Rebazi inoti: “Tinoda chaizvo vechidiki vedu, saka tinoedza kuvatsigira sezvavanoshanda nesimba kuti vazadzise zvinangwa zvavo pakunamata.”

Zvapupu zvemuGeorgia zvakashanda nevashumiri vanobva kunyika dzakasiyana-siyana paivakwa Imba Yemagungano muTbilisi

Vechidiki havambofi vakakanganwa zvavanenge vadzidza pavanoshanda uye kuwadzana nehama nehanzvadzi dzakakura mupfungwa. Mamuka ndemumwe akamboshanda nevashumiri venguva yakazara vanoita zvokuvaka munyika dzakasiyana-siyana paivakwa Imba Yemagungano yemuTbilisi. Anoti: “Kuita mabasa akadaro ndiine hama dzinobva kune dzimwe nyika kwakaita kuti ndidzidze zvakawanda kubva kune vamwe. Handina kungodzidza unyanzvi hwekuvaka chete, asi ndakadzidzawo zvakawanda pane zvekunamata.”

Kubatana kwemhuri, kukurudzira kwevakuru, uye kuva nevanhu vanoita zvakanaka vekutevedzera zviri kubatsira chaizvo vechidiki vakawanda vemuGeorgia. Vabereki vavo vanonzwa sezvaiita muapostora Johani, uyo akanyora kuti: “Handina chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.”​—3 Joh. 4.

Kushandurira Mune Mimwe Mitauro

Muna 2013, Dare Rinotungamirira rakakumbira mapazi ese kuti aone kana paidiwa mabhuku emimwe mitauro inotaurwa mundima yebazi ravo. Izvi zvakaitirwa kuti vanhu vakawanda vanzwe mashoko akanaka.

Pakupedzisira, bazi reGeorgia rakasarudza kushandurira mamwe mabhuku muchiSvan uye muchiMingrelian. Mitauro iyi iri miviri yakada kufanana nechiGeorgian zvekuti vamwe vanofunga kuti mapazi emutauro wechiGeorgian.

Mapiyona aishingaira emunharaunda yeSvaneti akanyora kuti: “Vanhu vechiSvan vanonyatsofarira zvinhu zvine chekuita nekunamata uye vanoremekedza Bhaibheri chaizvo. Kunyange vaya vakatanga vachizeza kutambira mabhuku edu vainge vava kufarira kutora aya akanga ashandurwa kuiswa mumutauro wavo.”

Vaparidzi vese vechiMingrelian vakabayiwa mwoyo chaizvo pavakatanga kuita misangano mururimi rwaamai vavo. Mumwe piyona wechidiki anonzi Giga, anoti: “Iye zvino ndava kukwanisa kupindura nemashoko angu. Handichafaniri hangu kutanga ndafunga kuti zvandiri kuda kuzopindura ndozviti kudii nemumwe mutauro.”

Zuri, mumwe mukuru wemuungano inotaura chiMingrelian iri muTkaia, anoti: “Pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvakandibata-bata muupenyu hwangu, zvinofadza uye zvinorwadza, asi hapana kana chakamboita kuti ndisvimhe misodzi. Asi nziyo dzeUmambo padzakaimbwa kekutanga muchiMingrelian pamisangano, tese takabuda misodzi.”

Zvinhu Zvisingakanganwiki

Chinhu chikuru chisingakanganwiki munhoroondo yeZvapupu muGeorgia chakaitika musi weMugovera, 6 April, 2013, Hama David Splane veDare Rinotungamirira pavakapa hurukuro yekukumikidza zvivako zvebazi zvakanga zvagadziridzwa uye zvawedzerwa, Imba Yemagungano uye chikoro cheBhaibheri chitsva. Zvapupu zvemo zvakawanda zvakagamuchira nemaoko maviri vaenzi 338 vaibva kunyika 24.

Zuva rakatevera racho, Hama Splane vakapa hurukuro yakateererwa nevanhu 15 200. Vamwe vavo vaiita zvekungonzwa kana kuti kuonera pamaTV hurukuro yacho vari panzvimbo dzavanoitira misangano. Ichi ndicho chaiva chiitiko chikuru chesangano chati chamboitika pane zvese zvakaitirwa muGeorgia zvikapindwa nevanhu vekune dzimwe nyika. Zvaibaya mwoyo kuona kukurudzirana uyewo kufara kwaiita hama nehanzvadzi. Imwe hama yechidiki yakati, “Iye zvino ndava kuziva kuti nyika itsva ichange yakaita sei.”

Kukumikidzwa kwebazi muTbilisi, muna 2013

Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana, icho chava kunzi Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo, chiri kubatsira chaizvo vanhu vaJehovha muGeorgia. Kubvira muna 2013, vadzidzi vanopfuura 200 vakagirajuweta muchikoro ichi. Vadzidzi ava vanoratidza kutenda kwavanoita zvavanenge vadzidza nekuzvipira kushanda nesimba chero kunenge kuchidiwa vaparidzi.

‘Kusveerera Zvinhu Zviri Mberi’

Basa revazivisi veUmambo vekutanga tanga avo vaiva neushingi riri kuita kuti mashoko akanaka apararire nenyika yese yeGeorgia. Kuda kwavanoita Mwari nemuvakidzani zvisina udyire, kutenda kwavo, ushingi uye zvavaiita kuti vatange kuparidza zviri kukomborerwa chaizvo naJehovha.

Hama nehanzvadzi dzinopfuura 18 000 dziri muGeorgia dziri kuenderera mberi nebasa rakatangwa nehama nehanzvadzi dzakadzitangira, dzichibatsira vavakidzani vadzo kuti vazvionere simba reShoko raMwari.​—VaF. 3:13; 4:13.

Dare Rebazi rekuGeorgia: Wayne Tomchuk, Levani Kopaliani, Joni Shalamberidze, Michael E. Jones