Dzidza Kumudzidzisi Mukuru

MuBhaibheri ndimo mune mazano anobatsira kupfuura ose. Vana vanogona kudzidza zvinotaurwa naBaba vavo vekudenga, kwete zvinotaurwa nevanhu.

Zvinodiwa Nevana Kuvabereki

Bhuku iri rakanyorwa nenzira inoita kuti munhu anenge achiriverengera vana akwanise kuita kuti vataurewo zvavanofunga nezvenyaya dzakasiyana-siyana dzirimo.

CHITSAUKO 1

Chakaita Kuti Jesu Ave Mudzidzisi Mukuru

Jesu aidzidzisa vanhu nezvei? Uye zvaaidzidzisa aizviwana kupi?

CHITSAUKO 2

Tsamba Inobva Kuna Mwari Ane Rudo

Tsamba yake iBhaibheri, bhuku rakasiyana nemamwe mabhuku ese.

CHITSAUKO 3

Uyo Akasika Zvinhu Zvose

Ndiani akasika shiri ndokudzidzidzisa kuimba? Ndiani akasika uswa? Ndiani akakusika?

CHITSAUKO 4

Mwari Ane Zita

Tose tine mazita. Unoziva zita raMwari here? Nei zita rake richikosha?

CHITSAUKO 5

“Uyu Ndiye Mwanakomana Wangu”

Chii chakaita kuti Jesu ave munhu akasiyana nevamwe?

CHITSAUKO 6

Mudzidzisi Mukuru Aiitira Vamwe Zvakanaka

Unofara here kana mumwe akakuitira chimwe chinhu chakanaka? Tose tinofara, uye Mudzidzisi Mukuru aizviziva izvozvo.

CHITSAUKO 7

Kuteerera Kunokudzivirira

Vadiki vanogona kudzidza kubva kuvakuru. Uye kana Mwari akatiudza kuti tiite chimwe chinhu, tine chokwadi chekuti chinhu chacho chakanaka.

CHITSAUKO 8

Vamwe Vakuru Kwatiri

Vamwe vakanaka, asi vamwe vakaipa.

CHITSAUKO 9

Tinofanira Kukurira Miedzo

Unofanira kuita sei kana mumwe munhu akakuti uite chimwe chinhu chakaipa?

CHITSAUKO 10

Simba raJesu Pamadhimoni

Hapana chikonzero chekutya madhimoni, asi tinofanira kungwarira kuti tisanyengedzwa nawo.

CHITSAUKO 11

Kubatsira Kunobva Kungirozi dzaMwari

Ngirozi dzaMwari dzinobatsira vanhu vanomuda uye vanomushumira.

CHITSAUKO 12

Jesu Anotidzidzisa Kunyengetera

Unogona kunyengetera kuna Mwari chero nguva, uye achakunzwa.

CHITSAUKO 13

Vanhu Vakava Vadzidzi vaJesu

Vaiva vanhu vakaita sei?

CHITSAUKO 14

Chikonzero Nei Tichifanira Kukanganwira

Jesu anotaura nyaya inotibatsira kunzwisisa.

CHITSAUKO 15

Chidzidzo Chokuva Nomutsa

Dzidza kubva panyaya yemuSamariya akanaka.

CHITSAUKO 16

Chii Chinokosha Zvechokwadi?

Tingaita sei kuti tipfume kuna Mwari?

CHITSAUKO 17

Nzira Yokuwana Nayo Mufaro

Mudzidzisi Mukuru anotaura chimwe chinhu chakavanzika.

CHITSAUKO 18

Unoyeuka Kuti Mazvita Here?

Unogona kudzidza chimwe chinhu kubva kuvanhu 10 vaiva nemaperembudzi.

CHITSAUKO 19

Kurwa Kwakanaka Here?

Unofanira kuita sei ukaona kuti vanhu vava kuda zvekurwa?

CHITSAUKO 20

Unoda Kuva Wokutanga Nguva Dzose Here?

Jesu akaudza vadzidzi vake kuti chii pavakaita nharo nezvenyaya iyi?

CHITSAUKO 21

Pane Chimwe Chinhu Chatinofanira Kuzvikudza Nacho Here?

Jesu anotaura nyaya yemuFarisi uye muteresi.

CHITSAUKO 22

Chikonzero Nei Tisingafaniri Kureva Nhema

Inzwa zvakaitwa naJehovha kuna Ananiyasi naSafira.

CHITSAUKO 23

Chinoita Kuti Vanhu Varware

Zvirwere zvichazombopera here?

CHITSAUKO 24

Usambofa Wakava Mbavha!

Dzidza nezvevanhu 4 vakatora zvinhu zvakanga zvisiri zvavo.

CHITSAUKO 25

Vanoita Zvakaipa Vanogona Kuchinja Here?

Zvakaitika kuna Sauro uye kune mukadzi aiva hure zvinotipa mhinduro.

CHITSAUKO 26

Chikonzero Nei Zvakaoma Kuita Zvakanaka?

Vanhu vakaipa vachaita sei kana ukasaita zvavanenge vachida?

CHITSAUKO 27

Mwari Wako Ndiani?

Vanhu vanonamata vanamwari vakawanda. Unofanira kuita sei? Varume vatatu vechiHebheru vanotipa mhinduro.

CHITSAUKO 28

Nzira Yokuziva Nayo Wokuteerera

‘Dzorerai Zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari’

CHITSAUKO 29

Mapati Ose Anofadza Mwari Here?

Waizviziva here kuti muBhaibheri munotaurwawo nezvemapati? Zvatinodzidza panyaya dzacho zvinotibatsira kuona kuti Mwari anoti kudii nezvawo.

CHITSAUKO 30

Chinotibatsira Kukurira Kutya

Mudzidzisi Mukuru haana kuti zvaizova nyore kushumira Jehovha. Asi pane zvatinogona kuita kuti tive neushingi.

CHITSAUKO 31

Kwokuwana Nyaradzo

Unofanira kuita sei paunenge wakasuruvara kana kuti wakasurukirwa?

CHITSAUKO 32

Nzira Iyo Jesu Akadzivirirwa Nayo

Inzwa kuti Jehovha akadzivirira sei Jesu kuti asaurayiwa nevanhu achiri mudiki.

CHITSAUKO 33

Jesu Anogona Kutidzivirira

Jesu paaiva panyika akaratidza kuti aigona kudzivirira vanhu vanomuteerera.

CHITSAUKO 34

Chii Chichaitika Kana Tikafa?

Munhu akafa anotyisa here?

CHITSAUKO 35

Tinogona Kumuka Kubva Murufu!

Mwari akapa Jesu simba rekumutsa vanhu vakafa vangava vana kana kuti vanhu vakuru.

CHITSAUKO 36

Ndivanaani Vachamutswa? Vachagara Kupi?

Jesu akati kudii nezvemibvunzo iyi?

CHITSAUKO 37

Kuyeuka Jehovha Nomwanakomana Wake

Jesu akaratidza vateveri vake zvavanofanira kuita pakuyeuka zvavakaitirwa naJehovha naJesu.

CHITSAUKO 38

Chikonzero Nei Tichifanira Kuda Jesu

Akatifira kuti tizowana upenyu husingaperi!

CHITSAUKO 39

Mwari Anoyeuka Mwanakomana Wake

Jesu amutswa.

CHITSAUKO 40

Nzira Yokufadza Nayo Mwari

Imwe vhesi yemuBhaibheri inoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu.”

CHITSAUKO 41

Vana Vanofadza Mwari

Zvii zvaunofanira kuita kuti ufadze Mwari?

CHITSAUKO 42

Chikonzero Nei Tichifanira Kushanda?

Kushanda kunoita kuti pfungwa dzedu dzishande zvakanaka uye tive neutano. Zvii zvaungaita kuti unakidzwe nekushanda?

CHITSAUKO 43

Hama Nehanzvadzi Dzedu Ndivanaani?

Vanosanganisirawo vana vasiri vababa vangu namhamha vangu here?

CHITSAUKO 44

Shamwari Dzedu Dzinofanira Kuda Mwari

‘Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunokanganisa tsika dzakanaka.’

CHITSAUKO 45

Umambo hwaMwari Chii? Nzira Yokuratidza Nayo Kuti Tinohuda

Jesu paachange ava kutonga pasi rose, achaita kuti zvinhu zvichinje panyika.

CHITSAUKO 46

Mvura Inoparadza Nyika—Zvichaitika Zvakare Here?

Vanhu vanoita zvakanaka ndivo vachararama nekusingaperi panyika.

CHITSAUKO 47

Mazivire Atingaita Kuti Amagedhoni Yava Pedyo

Zviratidzo zvacho tiri kuzviona.

CHITSAUKO 48

Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi

Unofanira kuitei kana uchida kuzorarama nekusingaperi?