Purogiramu yeGungano ra2017

Ona zvichaitwa zuva rimwe nerimwe regungano iri, kuti ubatsirwe kuramba uchiita zvakanaka uye uchitsungirira matambudziko.

Chishanu

Chii chinogona kubatsira vaKristu kuti vashandire kuva neunhu hunoita kuti vatsungirire matambudziko?

Mugovera

Mwari Wemasimbaose anotinyaradza sei uye anotibatsira sei kuti titsungirire?

Svondo

Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira pakuguma ndiye achaponeswa.” Zvii zvaungaita kuti uteerere mashoko iwayo?

Mashoko Kune Vachapinda

Ungave uchida kupinda misangano inokosha ichaitwa panguva yepurogiramu. Uyewo, unokwanisa kutarisa pano kana uchida kuziva zvakawanda nezvevarindiri, kubhabhatidzwa, mari yezvipo, first aid, zvakarasika nezvakawanika, pokugara, kana kuti basa rokuzvipira.