Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVUNZURUDZA | PAOLA CHIOZZI

Musayendisiti Anotsanangura Kutenda Kwake

Musayendisiti Anotsanangura Kutenda Kwake

Ava makore anopfuura 20, Dr. Paola Chiozzi vachishanda samolecular biologist payunivhesiti inonzi Ferrara muItaly. Vanyori veMukai! vakavabvunza nezvebasa ravo semusayendisiti uye kutenda kwavo.

Tiudzeiwo nezveupenyu hwenyu.

Baba vangu vaisona bhutsu, uye mai vaishanda papurazi. Asi ini ndaida kuzova musayendisiti. Ndainakidzwa nokuona zvinhu zvakanaka zvaiva zvizere pamba pedu zvakadai semaruva, shiri, uye zvipembenene. Ndainyatsoona kuti pane munhu akazvigadzira ane uchenjeri kupfuura hwevanhu.

Saka makanga magara muchitenda kuti kune Musiki here?

Kwete. Ndingangoti ndakanga ndiine zvandakanga ndisinganzwisisi nezvaMwari kubvira ndichiri muduku. Baba vangu vakangoerekana vafa nechirwere chemwoyo, uye ndatanga kuzvibvunza kuti, ‘Sei Musiki akanaka kudaro achisiya vanhu vachitambura uye vachifa?’

Kudzidza kwenyu sayenzi kwakakubatsirai here kuwana mhinduro?

Pakutanga handina kuiwana kusvikira pandakazotanga kuva molecular biologist. Muviri womunhu une masero anoti kana nguva yawo yakwana anobva afa. Kwozoita mamwe okuti anofa nguva yawo isati yakwana nokuda kwezvimwe zvikonzero. Saka ini ndakatanga nokuongorora aya anofa nguva yawo yakwana. Kwemakore akawanda masayendisiti anga asiri kumbonyanya kubatikana kuda kuziva nezvezvinoitika pamasero aya kunyange zvazvo achikosha pautano hwemunhu.

Kufa kwemasero anenge asvitsa nguva yawo kwakakosherei?

Muviri wedu wakazara netumasero tuduku-duku tusingaoneki. Magadzirirwo akaitwa munhu ndeokuti masero ose aya anofanira kufa achitsiviwa nematsva. Sero rimwe nerimwe rine nguva yarinorarama; mamwe anofa pashure pemavhiki, uye mamwe pashure pemakore. Muviri wedu wakagadzirwa zvinoshamisa, kana nguva yokuti mamwe masero afe yasvika, muviri unobva wagadzirawo masero matsva anoenderana nenhamba yemasero anenge afa.

Pane chinogona kuvhiringidzika here?

Dzimwe tsvakurudzo dzinoratidza kuti masero akasafa panguva yaanotarisirwa kufa, munhu anogona kuguma ava nechirwere chemapfupa (rheumatoid arthritis) kana kuti kenza. Uyewo, masero akafa nguva yaanotarisirwa kuti afe isati yasvika, munhu anogona kurwara nechirwere chinokanganisa mashandiro etsinga dzomuviri chinonzi Parkinson’s disease kana kuti chokukanganwa zvakanyanyisa chinonzi Alzheimer’s disease. Basa rangu rinosanganisira kutsvakurudza nzira dzekurapa zvirwere izvozvo.

Kudzidza nezvemasero anofa kunoita kuti munzwe sei?

Kutaura chokwadi zvakandishamisa. Urongwa uhwu hunoshamisa hunonyatsoratidza kuti hwakagadzirwa nemunhu anoda kuti tigare tiine utano. Asi ndakasara ndiine mubvunzo wokuti, Sei vanhu vachitambura uye vachifa? Handina kuwana mhinduro.

Saka mava nechokwadi here chokuti pane munhu akaita kuti pave nemasero anotsiva anenge afa?

Hongu. Kufa uye kugadzirwa kunoitwa masero kunoshamisa chaizvo, asi kunoratidza kuti munhu akazviita ane uchenjeri husina kana ani zvake. Ndinobvuma kuti mabasa aya uchenjeri hwaMwari. Ndinoshandisa michina ine simba chaizvo pakuongorora zvinhu zvakawanda zvakaoma kunzwisisa zvinoita kuti masero matsva agadzirwe uye matsaru afe. Zvimwe zvinhu zvinoitika mumuviri zvinogona kukonzera kuti masero afe mumasekonzi chete. Masero ane zvaanoitawo pakuita kuti afe. Maitikiro azvinoita anoshamisa chaizvo.

Sezvo anenge masero ose achitsiviwa nemamwe, zvinoita kuti munhu ararame nokusingaperi

Maiva nemibvunzo pamusoro paMwari uye kutambura kwevanhu. Makawana sei mhinduro?

Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakandishanyira pamba pangu muna 1991, uye ndakavabvunza kuti sei tichifa. Vakandiratidza mhinduro yemuBhaibheri yokuti: ‘Chivi chakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi.’ (VaRoma 5:12) Kudai munhu wokutanga akateerera Mwari, aizorarama nokusingaperi. Ndakabva ndangoona kuti izvi zvaipindirana nezvandakanga ndadzidza pakutsvakurudza kwandaiita. Zvakajeka kwandiri kuti Mwari aisada kuti vanhu vafe. Sezvo anenge masero ose achitsiviwa nemamwe, zvinoita kuti munhu ararame nokusingaperi.

Chii chakaita kuti muve nechokwadi chokuti Bhaibheri iShoko raMwari?

Ndakadzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvaMwari pana Pisarema 139:16 kuti: “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu.” Sasayendisiti anoongorora zvinhu zvinorarama (biochemist), ndinodzidza nezvemirayiridzo yemagenes yakanyorwa mumasero edu. Iye munyori wepisarema akaziva sei nezvemirayiridzo iyi? Pandaiwedzera kudzidza Bhaibheri, chivimbo changu chokuti rakafemerwa naMwari chaiwedzerawo.

Makabatsirwa sei kuti munzwisise zvinodzidziswa neBhaibheri?

Mumwe weZvapupu zvaJehovha akatanga kudzidza neni Bhaibheri. Ndakazoziva kuti sei Mwari achisiya vanhu vachitambura. Ndakazivawo zvinotaurwa neBhaibheri kuti Mwari ane chinangwa ‘chokuparadza rufu nokusingaperi.’ (Isaya 25:8) Hazvizomboomeri Musiki wedu kuti aite kuti kufa nokugadzirwa kwemasero kunyatsoshanda zvakanaka kuti tinakirwe noupenyu nokusingaperi.

Muri kushandisa sei zivo yeBhaibheri pakubatsira vamwe?

Ndakava mumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1995, uye kubvira ipapo ndiri kushandisa mukana wose kuti ndiudzewo vanhu zvandakadzidza muBhaibheri. Somuenzaniso, mumwe mukadzi wandinoshanda naye akashungurudzika chaizvo hanzvadzi yake payakazviuraya. Kuchechi kwavo vanodzidziswa kuti Mwari haaregereri vanenge vazviuraya. Asi ndakamuratidza tariro inowanikwa muBhaibheri inotaura nezvokumutswa kuchaitwa vanhu. (Johani 5:28, 29) Akanyaradzwa chaizvo nokuziva kuti Musiki ane hanya nesu. Panguva dzakadai, kuudza vanhu chokwadi cheBhaibheri kunoita kuti ndigutsikane kudarika kugutsikana kwandinowana pandinoita zvesayenzi!