Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuenda Kunze Kwenyika​—Uchitsvaka Upenyu Huri Nani

Kuenda Kunze Kwenyika​—Uchitsvaka Upenyu Huri Nani

Uchitsvaka Upenyu Huri Nani

GEORGE akanga asingachazivi zvokuita. Zvokudya zvakanga zvisiri kukwanira mhuri yake. Kana vari vavakidzani vake, vamwe vakanga vava kuziya nenzara uye vamwe vava kurwara. Asi George aiziva kuti imwe nyika yaiva pedyo navo yairaramika zviri nani. ‘Ndichaenda kunze kwenyika, ndotsvaka basa, ndozotora mhuri yangu,’ akafunga kudaro.

Patricia aifungawo nezvokubva kuNigeria achienda kune imwe nyika ine upenyu huri nani. Akanga asingashandi uye mikana yokuwana basa yakanga iri mishoma. Iye nemukomana wake vakafunga zvokuenda kuSpain vachipfuura nomuAlgeria, asi havana kuziva kuoma kwaizoita rwendo urwu sezvo vaizopfuura nemugwenga reSahara. Patricia akati: “Panguva iyoyo ndaiva nepamuviri, uye shungu dzangu dzaiva dzokuti mwana wangu azorarama upenyu huri nani.”

Rachel aida kurarama upenyu huri nani kuEurope. Akanga apererwa nebasa kuPhilippines, uye hama dzake dzakamuvimbisa kuti basa rake rokushanda mumba raiwanika nyore nyore kune dzimwe nyika. Saka akakwereta mari yendege achibva aonekana nemurume wake nemwanasikana wake, ndokubva avavimbisa kuti, “Ndinokurumidza kudzoka.”

Zvinofungidzirwa kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni 200 vakatama vachienda kune dzimwe nyika mumakore achangopfuura sezvakaitwa naGeorge, Patricia, uye Rachel. Kunyange zvazvo vamwe vakatiza hondo, njodzi dzinongoitika dzoga, kana kuti kutambudzwa, vakawanda vakaenda kune dzimwe nyika nechinangwa chokutsvaka upenyu huri nani. Ndeapi matambudziko anosanganwa nawo nevanotamira kune dzimwe nyika? Vose vanowana zvavanga vachitsvaka here? Vana vanosara vachirarama sei mubereki paanoenda kune imwe nyika kunotsvaka mari? Chimboona mhinduro dzemibvunzo iyi.

Matambudziko Eparwendo Uye Okuwana Zvaunoda

Chokufunga nezvacho kana wafunga zvokutamira kune imwe nyika matambudziko aunosangana nawo parwendo rwacho. George, ambotaurwa nezvake munyaya yokutanga akafamba mazana emakiromita aine mbuva shomanana. “Rwendo rwacho rwaityisa,” anoyeuka kudaro. Vazhinji havasviki kwavanenge vachienda.

Patricia aida kuenda kuSpain. Akakwira karori uye vakapfuura nemugwenga rinonzi Sahara. “Rwendo rwekubva kuNigeria kuenda kuAlgeria rwakatitorera vhiki, uye vanhu 25 vakanga vakatutirana mukarori. Tiri munzira, taiona zvitunha zvakawanda, uye vanhu vaingodzungaira mugwenga vachiratidza kuti hapachisina upenyu. Vamwe vatyairi vemotokari vaiva neutsinye vaiburutsa vanhu vasati vasvika kwavaienda.”

Kusiyana naGeorge naPatricia, Rachel akaenda kuEurope nendege, kwaaizonoshanda basa romumba. Asi akanga asina kumbofunga kuti aizosuwa zvakadini mwanasikana wake aiva nemakore maviri. “Pose pandaiona amai vaine mwana wavo, ndaishungurudzika,” anoyeuka kudaro.

George akanetseka kuti ajairane nenyika yaakanga atamira. Pakapera mwedzi yakati kuti asati atumira mari kumusha. “Usiku huzhinji ndaichema nemhaka yokusurukirwa uye kunetseka,” anodaro.

Patricia akazosvika pedyo nebhodha reMorocco neAlgeria pashure pemwedzi yakati kuti ari kuAlgeria. “Ndiri ikoko,” anodaro, “ndakabatsirwa nemwana musikana. Pane vanhu vaibata vanhukadzi vachivamanikidza kuita zvechipfambi saka ndaifanira kuvahwanda. Ndakazowana mari yokuti ndikwire chikepe kuenda kuSpain kunyange zvazvo rwendo rwomugungwa rwaiva nengozi. Chikepe chacho chakanga chisingakodzeri kufamba mugungwa uye chakanga chisina kugadzirirwa kutakura vanhu vakawandisa. Taishandisa bhutsu kukupa mvura muchikepe! Patakasvika pamahombekombe egungwa kuSpain, ndakanga ndisisina simba rokufamba kuti ndibude mumvura.”

Vaya vanenge vachida kunogara kune imwe nyika havangofaniri kufunga nezvematambudziko anosanganikwa nawo parwendo. Vanofanirawo kufunga nezvekusiyana kwemutauro netsika kwavari kuenda, kunyange mari inodiwa uye kuoma kwazvakaita kuti munhu agadzirise mapepa okuti azova mugari wemunyika iyoyo. Vaya vanotadza kuwana mapepa okuti vave vagari vemunyika yacho vanowanzoomerwa nokuwana basa rakanaka, imba yakanaka, dzidzo yakanaka, kana kurapwa kwakanaka. Zvinogonawo kuvaomera kuti vawane rezinesi rokutyaira kana akaundi yokubhengi. Uye kazhinji vaya vanoenda kune imwe nyika vasina mapepa akakwana vanowanzobatwa zvisina kunaka, vanowanzoshandiswa vasingapiwi mari yakakodzera.

Chimwe chokufunga nezvacho inyaya yemari. Tinofanira here kuvimba nemari? Bhaibheri rinopa zano iri rakakodzera: “Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.” (Zvirevo 23:4, 5, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi) Garawo uchiyeuka kuti zvinhu zvinokosha muupenyu hazvitengwi nemari, zvakadai serudo, kugadzikana mupfungwa, uye kubatana kwemhuri. Zvinosuwisa zvakadini vabereki pavanobvumira kuda mari kuchiita kuti vasaratidzirane rudo kana kuti vasaratidza vana vavo “rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.”—2 Timoti 3:1-3.

Sevanhu takasikwa tiine chido chokuziva Mwari. (Mateu 5:3) Saka vabereki vanoita basa ravakapiwa naMwari vanoita zvose zvavanogona kuti vana vavo vadzidze nezvaMwari, zvinangwa zvake, uye mitemo yake.—VaEfeso 6:4.

Mhuri Yakabatana Inonyanya Kukosha Kudarika Mari

Zvinoitika kune vanhu vanoenda kunze kwenyika zvinosiyana-siyana, asi zvizhinji zvacho zvakafanana, sezvataona pamuenzaniso waGeorge, Rachel, naPatricia avo vataurwa nezvavo munyaya yokutanga. Mhuri yose inoshungurudzika kana mubereki kana kuti murume kana mukadzi akasiya mumwe wake, uye panogona kutopera makore mhuri yacho isati yava kugara pamwe chete. George akatora makore anopfuura mana asati ava kugarazve nemhuri yake.

Rachel akazodzoka kuPhilippines nendege kuzotora mwanasikana wake pashure pokunge vaparadzana kwemakore anenge mashanu. Patricia akazosvika kuSpain aine kacheche kake. “Ndiye oga wandiinaye pavanhu vose vomumhuri yangu, saka ndinotoedza kuona kuti ndamutarisira zvakanaka,” anodaro Patricia.

Vanhu vakawanda vanotamira kune dzimwe nyika vanoramba vachigara munyika idzodzo pasinei nokuti vari kusurukirwa nokusaona hama dzavo kwenguva yakareba uye havasi kuwana mari. Kuti vazosvika kunyika yavanenge vachienda vane zvakawanda zvavanenge vakaita. Vazhinji havana ushingi hwokudzoka kumusha kana zvinhu zvaoma nemhaka yenyadzi.

Allan wokuPhilippines ndemumwe akarovera mwoyo kudombo achibva adzoka kumusha. Akanga awana basa rakanaka kuSpain, asi pashure pegore nehafu, akafunga zvokudzoka kumusha. “Ndainyanya kusuwa mudzimai wangu nemwanasikana wangu,” anodaro. “Ndakazviti handifi ndakanoshanda kunze kwenyika ndisina mhuri yangu. Pakupedzisira ndakazoenda nemhuri yangu. Mhuri inonyanya kukosha kudarika mari.”

Patricia akaonawo kuti pane chimwezve chinokosha kudarika mari. Akaenda kuSpain aine kaBhaibheri kaduku kane “Testamende Itsva,” kana kuti keMagwaro echiKristu echiGiriki. “Ndairiona sechinhu chinondidzivirira,” akadaro. “Ndakazosangana nemukadzi aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Nguva yose ndakanga ndisingafariri kutaura nevanhu vechitendero ichi. Saka ndakamubvunza mibvunzo yakawanda ndichida kuratidza kuti zvavanotenda ndezvenhema. Asi akapindura mibvunzo yangu achitsigira neBhaibheri zvaaitenda kusiyana nezvandaifunga.”

Kubva pane zvaakadzidza Patricia akaona kuti, kuti munhu unyatsofara uye uve netariro mune ramangwana hazvibvi pakuti uri munyika ipi kana kuti une mari yakawanda sei asi pakunzwisisa zvinodiwa naMwari uye zvinangwa zvake zvine chokuita nesu. (Johani 17:3) Patricia akadzidzawo kuti zita raMwari wechokwadi ndiJehovha. (Pisarema 83:18) Akaverengawo muBhaibheri kuti munguva pfupi iri kutevera Mwari achabvisa urombo hwose achishandisa Umambo hwake hunotungamirirwa naJesu Kristu. (Dhanieri 7:13, 14) “[Jesu] achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba,” inodaro Pisarema 72:12, 14.

Wadii kutsvaka nguva yokuti uongorore zviri muBhaibheri? Bhuku iri rine uchenjeri hunobva kuna Mwari rinogona kukubatsira kuziva zvinhu zvinokosha muupenyu, kuita zvisarudzo zvine musoro, uye kutsungirira matambudziko auri kutarisana nawo uchifara uye uine tariro.—Zvirevo 2:6-9, 20, 21.