Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Kuita Zvemidzimu

Kuita Zvemidzimu

Zvakaipa here kutaura nevanhu vakafa?

‘Musaenda kumasvikiro, nokuti muchasvibiswa nawo.’—Revhitiko 19:31.

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Vanhu vanoda kuziva kuti hama dzavo dzakafa hadzisi kutambura here. Saka vanobva vafunga kuti: “Kuti tizive zviri kuitika kwavari dai tataura navo tichishandisa svikiro kana kuti midzimu? Zvimwe svikiro rinogona kuita kuti tisarambe tichinetseka.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Tsika yokutaura nevanhu vakafa yakatanga kare kare. Asi zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi zvakajeka. Somuenzaniso, Mutemo waJehovha Mwari waakapa rudzi rwevaIsraeri waiti: ‘Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anobvunza svikiro, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.’ (Dheuteronomio 18:10-12) Bhaibheri rinotiwo vanhu vanoita zvinhu zvakarerekera kumidzimu “havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—VaGaratiya 5:19-21.

Vanhu vakafa vanogona kubatsira kana kukuvadza vapenyu here?

“Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5.

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Vanhu vakawanda vanofunga kuti kana munhu akafa anoramba achirarama kune imwe nzvimbo. Ndokusaka vachiedza kutaura nevakafa, vachida kuudzwa zvimwe zvinhu kana kuti kupira zvimwe zvinhu kwavari vaine pfungwa yokuti vasazotambudzwa nevanhu vakafa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

‘Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva. Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvavaiita vachiri vapenyu zvakatoparara.’ (Muparidzi 9:5, 6) Bhaibheri rinodzidzisa kuti munhu akafa hapana chaachaziva! Anenge asina chaachafunga kana kuita, kunyange kunamata Mwari. “Vakafa havarumbidzi [Mwari]; kunyange vaya vanoburukira kurunyararo,” inodaro Pisarema 115:17.

Masvikiro haatauri here zvimwe zvinhu zvinoitika?

‘Vanhu vanofanira kubvunza vanhu vakafa nokuda kwevanhu vapenyu here?’—Isaya 8:19.

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Vamwe vanoti masvikiro anogona kubudisa mashoko anobatsira vakafa kana kuti hama neshamwari dzemufi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Chitsauko 28 chebhuku raSamueri Wokutanga chinotaura zvakaitwa namambo aiva asina kutendeka ainzi Sauro. Sauro haana kuteerera mutemo waMwari nokuti akaenda kunobvunza masvikiro. Akakumbira kubatsirwa nemumwe mukadzi aiva svikiro uyo aiita sokunge aitaura nomushakabvu Samueri! Ichokwadi here kuti aitaura naSamueri? Aiwa! Akanga achitaura nomunhu ainyepedzera kuva Samueri.

Munhu iyeye ainyepedzera waiva mudzimu wakaipa waishandiswa naSatani “baba venhema.” (Johani 8:44) Nemhaka yei midzimu yakaipa kana kuti madhimoni achida kuti vanhu vafunge kuti munhu akafa anoramba achirarama kune imwe nzvimbo? Anongoda kushoresa Mwari uye kuita kuti Shoko raMwari Bhaibheri rionekwe serinoreva nhema.—2 Timoti 3:16.

Saka zvinoreva here kuti kana munhu afa atorova? Aiwa! Bhaibheri rinovimbisa kuti vakafa vachamutswa kubva mumakuva. * (Johani 11:11-13; Mabasa 24:15) Iye zvino tinonyaradzwa kuziva kuti hama dzedu dzakafa hadzisi kutambudzwa.

^ ndima 16 Chitsauko 7 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? chinoti “Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa.”