Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvepasi Rino

Zvepasi Rino

Ecuador

Sango rinogara richinaya reAmazon ndeimwe yenzvimbo ine zvipuka nezvinomera zvakasiyana-siyana zvakawanda chaizvo pasi rose. Muna 2007, Ecuador yakazivisa nezvourongwa hwokuchengetedza sango iri rakakura masikweya kiromita anoda kusvika 10 000 pane kuchera oiri musango racho. Asi urongwa uhwu hwakazoregwa nemhaka yokuti nyika dzepasi rose hadzina kuhutsigira nemari.

Japan

Pepanhau rinonzi The Japan News rinoti panoongororwa ropa, humwe utachiona hunogona kutadza kuonekwa. Izvi zvakataurwa mushure mokunge mumwe murume ane makore okuma60 atapukirwa neutachiona hunokonzera AIDS paakawedzerwa ropa muna 2013. Kana munhu akapa ropa iye achangobva kubatwa neutachiona uhwu zvingaratidza sokuti haana chirwere, saka zvichada mwedzi yakati wandei kuti michina inyatsobudisa chokwadi.

Zimbabwe

Kunyange zvazvo pava nemakore anopfuura 30 hondo yakarwiwa muZimbabwe yapera, kuchine zvimbambaira zviri kukuvadza uye kuuraya vanhu kumuganhu weZimbabwe neMozambique. “Kubvira muna 1980, kumuganhu uyu kudivi reZimbabwe kwakafa vanhu vanodarika 1 500 uye zvipfuwo 120 000 uye vanhu 2 000 vakakuvadzwa,” inodaro International Committee of the Red Cross.

Australia

Pane imwe ongororo yakaitwa, varume nevakadzi pavanorambana, vanowanzorwirana kuti achatora imbwa kana katsi ndiani. Pazvinhu zvavakaunganidza vose zvinhu zvavanonyanya kunetsana pakugovana zvivako, mari, zvishongo kwozotevera mhuka idzi.