Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Mvere dzeMbiti Yemugungwa

Mvere dzeMbiti Yemugungwa

MHUKA dzakawanda dzemumvura dzine mafuta akawanda anenge ari nechepasi peganda radzo anoita kuti dzirambe dzichidziyirwa. Mbiti yemugungwa haina mafuta iwayo asi mvere dzayo dzakawanda ndidzo dzinoita kuti idziyirwe.

Chimbofunga izvi: Mbiti yemugungwa ine mvere dzakawanda kupfuura dzimwe mhuka dzose. Pa1 cm2 yega yega yeganda rayo pane mvere dzinosvika 155 000. Mvere idzi dzinochengeta mhepo, zvoita kuti mvura inenge ichitonhora isasvika paganda rayo painenge ichifamba mumvura.

Vesainzi vanofunga kuti vanogona kugadzira zvimwe zvinhu vachitevedzera zvakaita mvere dzembiti. Vakagadzira majasi akasiyana-siyana ane mvere. Mamwe acho aiva nemvere dzakawanda, mamwe shoma, mamwe dzakareba, uye mamwe dzakapfupika. Vakaona kuti “kuwanda uye kureba kwemvere ndiko kunoita kuti dzisapinda mvura.” Saka uwandu hwemvere dzembiti ndihwo hunoita kuti idziyirwe.

Zvavakatsvakurudza izvozvo vanoti zvinogona kubatsira pakugadzira hembe dzisingapindi mvura. Vamwe vanoti kana vanhu vanopinda mumvura inotonhora vakapfeka hembe dzine mvere sedzembiti yemugungwa, zvinogona kuvabatsira kuti vasatonhorwa.

Unofungei? Mvere dzembiti yemugungwa dzakangoerekana dzavako here kana kuti dzakaita zvekusikwa?