Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO EKUBATSIRA VAKAFIRWA

Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa

Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa

Mazano ezvaungaita kana wafirwa igumi nefararira asi mamwe acho haanyatsoshandi. Chimwe chinoita kuti asashanda ndechekuti vanhu havarwadziwi zvakafanana. Zvinobatsira mumwe zvinogona kusabatsira kune mumwe.

Asi pane mamwe mazano ari kubatsira vakawanda. Mazano acho anowanzotaurwa nezvawo nanachipangamazano, uye anoenderana nezviri muBhaibheri.

1: BVUMA KUBATSIRWA NEHAMA NESHAMWARI

  • Vamwe vanachipangamazano vanoti kuita izvi kunobatsira chaizvo kuti munhu asaramba achishungurudzika. Asi pane dzimwe nguva unogona kunzwa kuda kungova wega. Unogona kutogumbukira vanhu vanenge vachida kukubatsira. Ngazvisakushamisa nekuti ndizvo zvinoitika kumunhu kana afirwa.

  • Hazvina kuipa kumbova wega, asi usazobva wadzingira vanhu kure nekuti mangwana uchazoda kuti vakubatsire. Vaudze zvaunoda kubatsirwa uye zvaunokwanisa kuzviitira wega, asi taura zvakanaka.

  • Iva nenguva yekuva wega asi usabva wazonyanyisa kungoramba uri wega.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete, . . . Nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.”​—Muparidzi 4:9, 10.

2: IDYA ZVINE UTANO UYE ITA MAEKISESAIZI

  • Kudya zvinhu zvinovaka muviri kunogona kukubatsira kuti usazonyanya kuita matambudziko eutano anokonzerwa nekushungurudzika. Idya michero yakasiyana-siyana, miriwo, uye zvinhu zvisina mafuta akawanda.

  • Inwa mvura yakawanda uye zvimwe zvinwiwa zvine utano.

  • Kana uchinzwa usiri kuda kudya, idya zvinhu zvishoma wozviita kakati wandei mukati mezuva. Unogona kuona chiremba kuti akuudze zvimwe zvaunogona kushandisa. *

  • Kufamba uye kuita maekisesaizi kunobatsira kuti usanyanya kufungisisa. Kuita maekisesaizi kunokupa mukana wekufunga kuti zvii zvaungaita kuti uenderere mberi neupenyu kana kuti kufunga zvimwewo zvinhu.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Hapana munhu akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira.’​—VaEfeso 5:29.

3: NYATSORARA

  • Kurara kwagara kunokosha, asi kunotonyanya kukosha kune vanenge vachishungurudzika nekuti kushungurudzika pachako kunonetesa.

  • Usanyanya kudya zvinhu zvine caffeine kana kunwa doro nekuti zvinovhiringa hope.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”​—Muparidzi 4:6.

4: ITA ZVINOKUSHANDIRA

  • Yeuka kuti vanhu vanosiyana pakurwadziwa. Iwe ndiwe unoona kuti ndezvipi zvingaita kuti usanyanya kurwadziwa.

  • Vakawanda vakaona zvichibatsira kuudza vamwe zvinenge zvichivashungurudza, asi vamwe havafariri kutaura nezvazvo. Vanachipangamazano vanotaura zvakasiyana-siyana nezvekuti zvinobatsira here kuudza mumwe munhu zvinenge zvichikushungurudza. Kana uchizeza kuudza mumwe munhu zviri pamwoyo pako, unogona kutanga nekuudza shamwari yako zvimwewo zvinhu zvidiki zvinokunetsa.

  • Vamwe vanoona kuchema kuchivabatsira asi vamwe vanotanga kunzwa zviri nani kunyange vasina kunyanya kuchema.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo.”​—Zvirevo 14:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

5: USAITA ZVINHU ZVINOKUKUVADZA

  • Vamwe vanoedza kushandisa zvinhu zvinodhaka kana kuti kunwa mishonga zvakapfurikidza kuti vaderedze kushungurudzika. Kuita izvi kunokukuvadza. Unogona kunzwa zviri nani kwenguva pfupi asi zvinokupinza mune mamwe matambudziko. Tsvaga dzimwe nzira dzisingakuvadzi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa.”​—2 VaKorinde 7:1.

6: TSVAGA ZVIMWE ZVEKUITA

  • Vakawanda vanoona zvichibatsira kumbopota vachiita zvimwe zvinhu zvinoita kuti vasafunga nezvekufirwa kwavakaitwa.

  • Kutsvaga zvinhu zvinokuvaraidza, kudzidzira zvimwe zvinhu uye kusimbisa ushamwari kana kuti kutsvaga dzimwe, kunogona kukubatsira kuti unzwe zviri nani.

  • Nekufamba kwenguva uchaona kuti nguva yakawanda yava kuperera pazvimwe zvinhu pane kungofunga nezvekufirwa kwawakaitwa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, . . . nguva yokusvimha misodzi nenguva yokuseka; nguva yokuungudza nenguva yokusvetuka-svetuka.”​—Muparidzi 3:1, 4.

7: RONGA ZVINHU ZVAKO

  • Chitanga kuronga zvinhu zvako kuti uenderere mberi neupenyu.

  • Ukaronga nguva yako yekurara, yekuita basa uye yekuita zvimwewo zvinhu uchaona zvichikuitira nyore kuti uenderere mberi neupenyu.

  • Ukava nezvekuita zvinogona kukubatsira kuti usanyanya kushungurudzika.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Haazoyeuki mazuva oupenyu hwake kazhinji, nokuti Mwari wechokwadi ari kumubatikanisa nokufara kwomwoyo wake.”​—Muparidzi 5:20.

8: USAMHANYIRA KUITA ZVISARUDZO ZVAKAKURA

  • Vaya vanomhanyira kuita zvisarudzo zvakakura vachangobva kufirwa vanozozvidemba.

  • Kana zvichiita, imboti mirei kutama, kutsvaga rimwe basa, kugova kana kuti kutengesa zvinhu zvemufi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.”​—Zvirevo 21:5.

9: CHENGETA ZVINHU ZVINOKUYEUCHIDZA HAMA YAKO

  • Vakawanda vakafirwa vanoona zvichibatsira kuita zvinhu zvinovayeuchidza nezvehama yavo yakafa.

  • Kuchengeta mapikicha, zvimwe zvinhu zvemufi kana kuti kunyora mubhuku zvimwe zvinhu zvaunoda kuzoyeuka, kunogona kukunyaradza.

  • Chengeta zvinhu zvinokuyeuchidza nguva dzamaifara kuitira paunenge wava kuda kuzozviona.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Yeukai mazuva ekare.”​—Dheuteronomio 32:7.

10: CHIMBOITA ZVINOITA KUTI UFURWE NEMHEPO

  • Unogona kumboshanya.

  • Kana usingakwanisi kushanya kwenguva yakareba, unogona kutsvaga zvekuita kwezuva rimwe chete kana kuti maviri, zvakadai sekuenda kumiziyamu, kunoredza hove, kana kuti kunoona imwe nzvimbo inoyevedza.

  • Kunyange kuita zvimwe zvinhu zvausingagari uchiita mazuva ese kunogona kukubatsira kuti uderedze kushungurudzika.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.”​—Mako 6:31.

11: BATSIRA VAMWE

  • Kubatsira vamwe kuchaita kuti iwe wacho unzwewo zviri nani.

  • Unogona kutanga nekubatsira vaya vari kurwadziwawo nekufa kwaita hama yako, vakadai seshamwari kana kuti dzimwe hama.

  • Kubatsira uye kunyaradza vamwe kunoita kuti ufare uye unzwe kuti uchiine zvimwe zvaunogona kuitawo.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”​—Mabasa 20:35.

12: ONGORORA ZVINHU ZVAUNOKOSHESA

  • Kufirwa kunogona kukupa mukana wekuti uone zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu.

  • Shandisa mukana iwoyo kuongorora mararamiro auri kuita.

  • Ukaona kuti pane panoda kugadziriswa ibva wapagadzirisa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pane kuenda kuimba yemabiko, nokuti ndiwo mugumo wevanhu vose; uye munhu mupenyu anofanira kuzvifungisisa nomwoyo wake.”​—Muparidzi 7:2.

Chokwadi ndechekuti hapana zvingaita kuti marwadzo ako abve apera zvachose. Asi vakawanda vakafirwa vanotaura kuti kushandisa mazano akaita seataurwa munyaya ino kwakavabatsira chaizvo. Mazano aya handiwo ega anobatsira, asi ukaedza kushandisa mamwe acho uchaona kuti uchatanga kunzwa zviri nani.

^ ndima 13 Mukai! haisarudziri munhu kuti orapwa sei.