Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VECHIDUKU

Zvaungaita Upenyu Pahunochinja

Zvaungaita Upenyu Pahunochinja

DAMBUDZIKO

  • Mava kufanira kutama nekuti baba vako vawana basa.

  • Shamwari yako yava kutama uye yava kunogara kure.

  • Sisi vako vava kuenda nekuti varoorwa.

Zvinokuitira nyore here kujairana neupenyu hutsva?

Kana muti uchikwanisa kubhenda pakunenge kuine mhepo ine simba, zvinoubatsira kuti usatyoka. Kungofanana nemuti uyu, paunosangana nezvinhu zvausingakwanisi kuchinja hazvirevi kuti hauchakwanisi kuenderera mberi neupenyu. Asi tisati tataura kuti ungaita sei zvinhu pazvinochinja muupenyu, pane zvinhu zvishoma zvaunofanira kuziva.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Upenyu hwagara hunochinja. Bhaibheri rinotaura zvinoitika pakurarama kwevanhu richiti: ‘Vose vanowirwa nezviitiko zvisingafanoonekwi.’ (Muparidzi 9:11) Saka muupenyu unototi usangane nezvinhu zvakadai. Asi hazvirevi hazvo kuti zvose zvauchasangana nazvo zvinenge zviri zvinhu zvakaipa. Zvimwe zvacho zvingaita sezvinorwadza asi unotozoona kuti pane zvazvakanakira. Chokwadi ndechokuti kuchinja zvinhu zvawakanga wajaira hakusi nyore nguva dzose.

Vechidiki ndivo vanonyanya kuomerwa zvinhu pazvinochinja. Nemhaka yei? “Panguva iyi unenge uchiyaruka uye muviri wako ndipo paunenge uchichinja. Uye kana pakaitika zvimwe zvinhu zvinochinja muupenyu, unobva watowedzera kunetseka,” anodaro mumwe mukomana anonzi Alex. *

Chimwe chikonzero ndeichi: Vanhu vakuru pavanochinjirwa neupenyu vanogona kuyeuka zvavakaita pavakambosangana nedambudziko iroro. Asi vechidiki vanenge vasina kumbobvira vasangana nazvo muupenyu.

Unogona kupedzisira wajaira. Kushingirira kunoreva kuramba kukundwa nedambudziko uye kujairana nezvinenge zvavapo. Munhu anoshingirira haangogumiri pakutsungirira asi kuti anogona kuona chimwe chinhu chakanaka padambudziko raari kufungidzira. Kashoma kuti vechidiki vanotsungirira vaite zvemadrugs kana zvekunwa doro pavanenge vaomerwa.

ZVAUNGAITA

Bvuma kuti zvinhu zvachinja. Zviri pachena kuti unoda kuti zvinhu zvose muupenyu hwako zvienderane nezvaunoda asi izvozvo hazvifi zvakaitika. Shamwari dzinotama kana kuroorwa; vakoma kana vanin’ina vako vachakura vozonogarawo vega; mhuri yenyu inogona kutama, mosiya shamwari dzenyu uye nzvimbo yamainge majaira. Zviri nani kugamuchira zvinenge zvavapo pane kuswera uchinetseka nezvinhu zvausingakwanisi kuchinja.Zvinotaurwa neBhaibheri: Muparidzi 7:10.

Tarisa zviri mberi. Kuramba uchifunga zvawakasiya kwakafanana nekuramba wakatarisa pagirazi remota rinokuratidza zviri shure paunenge uchidhiraivha. Kupota uchiritarisa kunobatsira, asi pfungwa dzako ngadzirambe dziri mberi. Izvi ndizvo zvaunofanirawo kuita kana upenyu hwachinja. Ramba wakatarisa zviri kumberi. (Zvirevo 4:25) Somuenzaniso, funga nezvechimwe chinhu chaungada kuzoita mumwedzi unotevera kana kuti mumwedzi 6 inotevera.

Tsvaga zvinhu zvakanaka. “Maonero aunoita dambudziko ndiwo anoita kuti ugone kushingirira,” anodaro mumwe musikana anonzi Laura. “Tsvaga zvinhu zvakanaka pane zvinenge zvaitika.” Funga nezvechinhu chimwe chete chakanaka chakaitika zvinhu pazvakachinja.Zvinotaurwa neBhaibheri: Munzwisisi Wouchenjeri (Muparidzi) 6:9, Bhaibheri Rinoera.

Mumwe musikana anonzi Victoria anoyeuka kuti paakanga achiri kuyaruka, shamwari dzake dzose dzakatama. Anoti, “Ndainzwa kusurukirwa chaizvo uye ndaingoti dai vasina kutama. Asi izvi zvakandipa mukana wekuti ndikure. Ndakabva ndaona kuti kana zvinhu zvikachinja muupenyu, ndopaunokura. Ndipo pandakatangawo kuona kuti pane vanhu vakawanda vandaikwanisa kushamwaridzana navo.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 27:10.

Kuramba uchifunga zvawakasiya kwakafanana nekuramba wakatarisa pagirazi remota rinokuratidza zviri shure paunenge uchidhiraivha

Batsirawo vamwe. Bhaibheri rinoti: ‘Musaramba muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi ivai nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’ (VaFiripi 2:4) Kubatsira vamwe ndiwo mushonga wekugadzirisa matambudziko aunenge uchitarisana nawo. Anna, uyo ane makore 17, anoti: “Pandaikura, ndakaona kuti pandaibatsira munhu anenge aine dambudziko rakafanana nerangu kana kuti rakatokura kudarika rangu ndainzwa kufara!”

^ ndima 11 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.