Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHARIREYOMURINDI Nhamba 1 2022 | Kuvengana Kungapedzwa Sei?

Munyika makazara ruvengo. Vanhu vanoratidza ruvengo nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vanosarura vamwe, vanovabata zvisina kunaka, vanovatuka, kunyange kutovarova. Ruvengo ruchazombopera here? Nyaya dziri mumagazini ino dzinoratidza kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kukunda ruvengo. Dzinoratidzawo vimbiso yaMwari yekuti achapedza ruvengo zvachose.

Tinogona Kukurira Ruvengo!

Chii chinonzi ruvengo uye vanhu vanowanzoruratidza sei?

Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?

Bhaibheri rinoratidza kuti ruvengo rwakatanga sei, nei vanhu vachivenga vamwe uye kuti nei rwakapararira kudaro.

Kuvengana Kungapedzwa Sei?

Bhaibheri rakabatsira vanhu kuti vasiye ruvengo.

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

1 | Usasarura

Kuti ubvise ruvengo mumwoyo mako, tevedzera kusasarura kunoita Mwari.

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

2 | Usatsiva

Kuti ukunde pfungwa dzekutsiva, iva nechivimbo chekuti Mwari ava pedyo kugadzirisa zvinhu zvese.

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

3 | Bvisa Pfungwa Dzeruvengo

Batsirwa neShoko raMwari kuti ubvise ruvengo mupfungwa nemumwoyo.

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

4 | Batsirwa naMwari Kukunda Ruvengo

Mweya mutsvene waMwari unogona kukubatsira kuva neunhu hunoita kuti ukunde ruvengo.

Ruvengo Paruchapera Zvachose!

Chii chichaita kuti ruvengo runyatsopera zvachose?

Ruvengo Rwakazara Pasi Rese

Kuvengana kungapedzwa sei? Iye zvino pasi rese pane vanhu vari kutobvisa ruvengo mumwoyo mavo.