Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gwaro Rekare-kare Rinovhurwa

Gwaro Rekare-kare Rinovhurwa

Gwaro rakatsva rekuEin Gedi rakanga risingaverengeki kubva parakawanikwa muna 1970. Pachishandiswa michina yemazuva ano, rakazoonekwa kuti rine chikamu chaRevhitiko chine zita raMwari.

MUNA 1970, nyanzvi dzinoongorora matongo dzakafukunura gwaro rekare rakatsva zvakanyanya, kuEin Gedi, muIsrael, pedyo nemahombekombe ekumadokero eGungwa Rakafa. Vakawana gwaro iri pavaichera matongo esinagogi rakapiswa pakaparadzwa misha yevagari vemunharaunda yacho, zvichida pakati pa500 na550 C.E. Gwaro racho rainge rakakanganisika zvakanyanya zvekuti zvakanga zvisiri nyore kuverenga zvakanyorwa pariri, uye zvakanga zvisingaiti kuribhedhenura risingabvaruki. Asi rakakwanisa kuonekwa zvarakaita mukati pachishandiswa michina yemazuva ano inokwanisa kuona zvakaita chinhu kunyange chisina kubhedhenurwa. Uye rava kukwanisa kuverengwa pachishandiswa mapurogiramu emakombiyuta emazuva ano.

Zvii zvakawanikwa mugwaro racho? Vakaona kuti rine mashoko emuBhaibheri. Gwaro racho rine mavhesi ari kwekutanga kwebhuku raRevhitiko. Mavhesi acho ane zita raMwari mumabhii aro mana echiHebheru. Gwaro iri rinofungidzirwa kuti rakanyorwa makore ari pakati pa50 C.E. na400 C.E., zvichiita kuti rive gwaro rekaresa reBhaibheri rechiHebheru rakawanikwa kubva pakawanikwa magwaro ekuGungwa Rakafa. “Kusvikira patakazokwanisa kuverenga zviri muchidimbu chaRevhitiko chekuEin Gedi,” akanyora kudaro Gil Zohar mupepanhau rinonzi The Jerusalem Post, “panga paine makore anenge 1 000 pakati peMagwaro ekuGungwa Rakafa ayo anofungidzirwa kuti akanyorwa mugore ra100 B.C.E., nechinyorwa chinonzi Aleppo Codex icho chinofungidzirwa kuti chakanyorwa muna 930 C.E.” Nyanzvi dzinoti mashoko ari mugwaro iri anoratidza kuti magwaro emabhuku 5 ekutanga eBhaibheri “akachengetedzwa ari zvaari kwezviuru zvemakore, uye akanga asina zvikanganiso zvevanhu vainyora.”