NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA January 2017

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaFebruary 27 kusvika kuApril 2, 2017.

Vakazvipa Nemwoyo Unoda

Hanzvadzi dzakawanda dzakanoshumira mhiri kwemakungwa dzaimbozeza kutamira kune dzimwe nyika. Chii chakadzibatsira kuti dzive neushingi? Dzakadzidzei kwadzakatamira?

“Vimba naJehovha Uite Zvakanaka”

Jehovha anoda kutiitira zvatisingakwanisi kuita isu pachedu. Asi anotarisira kuti isu tiitewo zvatinogona. Rugwaro rwedu rwegore rwa2017 runotibatsira sei kuti tive nemaonero akanaka?

Koshesa Chipo Cherusununguko Rwekusarudza

Chii chinonzi rusununguko rwekusarudza uye Bhaibheri rinodzidzisei nezvarwo? Ungaremekedza sei rusununguko rwekusarudza rwevamwe?

Nei Kuva Nemwero Kuchiri Kukosha?

Kuva nemwero kunorevei, uye kwakabatana papi nekuzvininipisa? Nei zvichikosha kuti tive nemwero?

Unogona Kuramba Uine Mwero Paunoedzwa

Tingaramba sei tiine mwero panochinja zvinhu muupenyu, patinotsoropodzwa kana kurumbidzwa uye patinoita zvisarudzo?

‘Zvinhu Izvi Zvipe Varume Vakatendeka’

Hama dzakura dzingabatsira sei hama dzechidiki kuti dziite mamwe mabasa musangano? Hama dzechidiki dzingaratidza sei kuti dzinokoshesa hama dzava nemakore dzichitungamirira?

Waizviziva Here?

Moto waitakurwa sei kuenda kune imwe nzvimbo munguva dzinotaurwa muBhaibheri?