Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Eric naAmy

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuGhana

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuGhana

PANE hama kana hanzvadzi dzaunoziva here dzakatamira kune imwe nyika kunodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda? Wakambozvibvunza here kuti: ‘Chii chinovakurudzira kuti vatamire kune imwe nyika? Vanogadzirira sei kuti vaite ushumiri hwakadaro? Ndingakwanisawo here kuita ushumiri uhwu? Kuti tiwane mhinduro dzakanaka dzemibvunzo iyoyo, tinofanira kutaura nehama nehanzvadzi idzi. Saka ngatiitei izvozvo.

CHII CHINOVAKURUDZIRA?

Chii chakaita kuti mutange kufunga nezvekuenda kunoshumira kune imwe nyika kunodiwa vaparidzi vakawanda? Amy, uyo ava nemakore ekuma35, anobva kuUnited States, anoti: “Kwemakore, ndaifunga nezvekuenda kunoshumira kune imwe nyika, asi zvaiita sekuti ndaisazombozvigona.” Chii chakachinja maonero ake? Anoti, “Muna 2004 mumwe murume nemudzimai vaiva mapiyona kuBelize vakandikoka kuti ndivashanyire uye ndimbopayona navo kwemwedzi mumwe chete. Ndakaenda uye ndakazvifarira! Papera gore, ndakatamira kuGhana kuti ndinoshumira ikoko sapiyona.”

Aaron naStephanie

Makore apfuura, Stephanie, uyo ava kusvitsa makore 30 uye achibva kuUnited States, akanyatsotarisa mamiriro ake ezvinhu ndokubva ati nechemumwoyo: ‘Ndine utano hwakanaka uye handina wekuriritira. Kutaura chokwadi, ndingadai ndiri kutoitira Jehovha zvakawanda kupfuura zvandiri kuita iye zvino.’ Kunyatsoongorora mamiriro ake ezvinhu kwakaita kuti aende kuGhana kuti awedzere ushumiri hwake. Filip naIda, mapiyona ane makore ekuma40 vanobva kuDenmark, vaigara vachifunga nezvekutamira kundima inodiwa vaparidzi vakawanda. Vakatsvaga nzira dzekuzadzisa chinangwa chavo. Filip anoti, “Pakamuka mukana wacho zvakaita sekuti Jehovha akatiudza kuti: ‘Ndiwo mukana wacho uyu!’” Muna 2008 vakatamira kuGhana uye vakashumira ikoko kwemakore anopfuura matatu.

Brook naHans

Hans naBrook, murume nemudzimai vanopayona, avo vava nemakore ekuma30, vari kushumira kuUnited States. Muna 2005 vakabatsira vanhu pakaitika dutu rainzi Hurricane Katrina. Vakazonyorera kuti vaite basa rekuvaka kune dzimwe nyika asi havana kushevedzwa. Hans anoti, “Takabva tanzwa hurukuro pagungano yaitaura kuti Mambo Dhavhidhi paakanzi aisazovaka temberi akazvigamuchira, uye akachinja chinangwa chake. Pfungwa iyoyo yakatibatsira kuti tione kuti hazvina kuipa kuchinja zvinangwa zvedu zvine chekuita nekunamata.” (1 Mak. 17:1-4, 11, 12; 22:5-11) Brook anowedzera kuti, “Jehovha aida kuti tigogodze pane rimwe suo.”

Shamwari dzavo padzakavaudza kunakidzwa kwadzaiitwa nekushumira kune dzimwe nyika, Hans naBrook vakakurudzirwa kuti vaedze kunopayona kune imwe nyika. Muna 2012 vakaenda kuGhana uye vakakwanisa kushumira ikoko kwemwedzi mina vachibatsira ungano yemutauro wemasaini. Kunyange zvazvo vaifanira kudzokera kuUnited States, kushumira kwavakaita kuGhana kwakawedzera chido chavo chekuramba vachiisa zvinhu zvine chekuita neUmambo pekutanga. Vakazobatsirawo pakuvaka hofisi yebazi reMicronesia.

KUTORA MATANHO EKUTI VAZADZISE CHINANGWA CHAVO

Makagadzirira sei kuti munoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda? Stephanie anoti: “Ndakatsvakurudza munyaya dzemuNharireyomurindi dzinotaura nezvekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. * Ndakataurawo nevakuru vemuungano medu uye mutariri wedunhu nemudzimai wake nezvechido changu chekunoshumira kune imwe nyika. Chinonyanya kukosha ndechekuti ndaigara ndichiudza Jehovha nezvechinangwa changu.” Panguva imwe chete, Stephanie akaramba achiita kuti asava nezvinhu zvakawanda muupenyu, izvo zvakaita kuti akwanise kuchengeta mari yaaizoshandisa ari kune imwe nyika.

Hans anoti: “Tainyengetera kuna Jehovha kuti atitungamirire nekuti taida kuenda kwaaida kuti tiende. Patainyengetera, taitaurawo zuva chairo rataida kutanga kuita zvataironga.” Hans naBrook vakanyora tsamba kumapazi mana. Pavakawana mhinduro yakanaka zvikuru kubva kubazi reGhana, vakaenda ikoko vachida kunogara kwemwedzi miviri. Hans anoti, “Takanakidzwa chaizvo nekushanda neungano yacho zvekuti takazowedzera nguva yatakagara ikoko.”

Adria naGeorge

George naAdria, murume nemudzimai vekuCanada vava kuda kusvitsa makore 40, vakaramba vachiyeuka kuti Jehovha anokomborera zvisarudzo zvakanaka, kwete vavariro dzakanaka chete. Saka vakatora matanho ekuti vazadzise chinangwa chavo. Vakataura nehanzvadzi yaishumira kunzvimbo inodiwa vaparidzi vakawanda muGhana uye vakaibvunza mibvunzo yakawanda. Vakanyorawo tsamba kubazi reCanada uye reGhana. Adria anoti: “Takatsvaga dzimwe nzira dzekuita kuti tisava nezvinhu zvakawanda muupenyu.” Zvisarudzo izvozvo zvakaita kuti vakwanise kutamira kuGhana muna 2004.

KUKUNDA MATAMBUDZIKO

Matambudziko api amakasangana nawo pamakaenda kunodiwa vaparidzi, uye makaakunda sei? Dambudziko rakatanga kusangana naAmy raiva rekusuwa kumba. “Zvinhu zvese zvakanga zvakasiyana nezvandakanga ndajaira.” Chii chakamubatsira? “Kufonerwa nevemumhuri vachitaura kuonga kwavaiita ushumiri hwangu kwakandibatsira kuti ndirambe ndichiyeuka kuti nei ndakanga ndatamira kuno. Ini nevemumhuri mangu takazotanga kutaura tese tichionana pavhidhiyo. Zvaisaita sekuti vari kure nekuti taigona kuonana.” Amy anotaura kuti kushamwaridzana neimwe hanzvadzi yemunyika macho ine ruzivo rwakawanda kwakamubatsira kuti anzwisise tsika dzakasiyana-siyana. “Shamwari yangu ndiye munhu wandaibvunza pese pandaisanzwisisa zvaiitwa nevamwe vanhu. Akandibatsira kuziva zvandaifanira kuita nezvandaisafanira kuita, uye zvakandibatsira kuti ndiite ushumiri hwangu ndichifara.”

George naAdria vanotaura kuti pavakatamira kuGhana, vakanzwa sekuti vakanga vadzokera kumakore ekare. “Pane kushandisa muchina wekuwachisa, taishandisa mabhaketi. Zvaiita sekuti nguva yataimbotora pakubika yainge yava kupetwa ka10 neyatakanga tava kutora,” anodaro Adria. “Asi papera chinguva, zvinhu zvaiita sekuti zvakaoma zvakanga zvatojairika.” Brook anoti: “Pasinei nematambudziko atinosangana nawo isu mapiyona, tinorarama upenyu hunogutsa. Tikabatanidza zvinhu zvese zvinokurudzira zvatakasangana nazvo, tinova nezvakawanda zvinofadza zvekuyeuka nezvazvo.”

USHUMIRI HWACHO HUNE MUBAYIRO

Chii chinoita kuti mude kukurudzira vamwe kuti vaitewo ushumiri uhwu? Stephanie anoti: “Zvinofadza kuparidzira mundima yaunosangana nevanhu vanoda kuziva chokwadi zvekuti vanoda kudzidza newe Bhaibheri mazuva ose. Kuenda kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda ndicho chimwe chezvisarudzo zvakanakisisa zvandakaita!” Muna 2014, Stephanie akachata naAaron, uye parizvino vari kushumira pabazi reGhana.

“Zvinonakidza chaizvo,” anodaro Christine, piyona anobva kuGermany, uyo angoti pfuurei makore 30. Christine akamboshumira kuBolivia asati atamira kuGhana. Anowedzera kuti: “Nemhaka yekugara kure nevemumhuri mangu, ndinogara ndichikumbira kuti Jehovha andibatsire. Ndava kunzwa ndiri pedyo naye kupfuura kare. Ndinonyatsoona kubatana chaiko kuri pakati pevanhu vaJehovha. Ushumiri uhwu hwavandudza chaizvo upenyu hwangu.” Christine haana nguva yakareba achata naGideon, uye vari kuramba vachishumira pamwe chete muGhana.

Christine naGideon

Filip naIda vanotiudza zvavaiita pakubatsira vadzidzi veBhaibheri kuti vafambire mberi. “Taimbova nezvidzidzo zveBhaibheri 15 kana kupfuura, asi takanga tava kungoitisa 10 chete kuitira kuti tikwanise kunyatsodzidzisa vadzidzi vedu.” Zvakabatsira vadzidzi vacho here? Filip anoti: “Ndakadzidza nemumwe mukomana anonzi Michael. Aikwanisa kudzidza mazuva ose uye ainyatsogadzirira zvekuti takapedza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? mumwedzi mumwe chete. Pashure paizvozvo, Michael akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Pazuva rake rekutanga muushumiri, akanditi, ‘Munogona kundibatsira here pakuitisa zvidzidzo zvangu Bhaibheri?’ Ndakamutarisa ndichishamisika. Michael akataura kuti akanga atanga zvidzidzo zveBhaibheri zvitatu uye aida kubatsirwa kuitisa zvidzidzo zvacho.” Kune vanhu vakawanda vanoda kudzidza zvekuti kunyange vadzidzi veBhaibheri vava kutodzidzisawo vamwe!

Ida and Filip

Amy anotiudza zvakaita kuti akurumidze kuona kuti panodiwa vaparidzi vakawanda. Anoti: “Tichangosvika muGhana, takaparidza mune mumwe musha uye takatsvaga matsi. Takawana vanhu 8 vaiva matsi mumusha iwoyo chete.” Iye zvino Amy akachata naEric, uye vari kushumira pamwe chete semapiyona chaiwo. Vanoshanda neungano yemutauro wemasaini kuti vabatsire vaparidzi vari matsi vanopfuura 300 uye vamwe vanofarira chokwadi vari munyika macho. Kushumira muGhana kwakaitawo kuti George naAdria vazvionere pachavo kuti kushanda semumishinari kwakaita sei. Vakafara chaizvo pavakakokwa kuti vapinde kirasi yechi126 yeChikoro cheGiriyedhi. Iye zvino vari kushumira semamishinari kuMozambique.

VAKAKURUDZIRWA NERUDO

Zvinokurudzira kuona vakawanda vanobva kune dzimwe nyika vachishanda nesimba pamwe chete nehama nehanzvadzi pabasa rekukohwa. (Joh. 4:35) Vhiki imwe neimwe, vanhu 120 paavhareji vanobhabhatidzwa muGhana. Kungofanana nevamwe 17 vari kushanda kunodiwa vaparidzi vakawanda kuGhana, vazivisi veUmambo vanosvika zviuru pasi rose vakakurudzirwa nekuda kwavanoita Jehovha kuti ‘vazvipe nemwoyo unoda.’ Vanoshumira munharaunda dzinodiwa vazivisi veUmambo vakawanda. Vashumiri ava vanoita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Pis. 110:3; Zvir. 27:11.

^ ndima 9 Semuenzaniso, ona nyaya dzinoti, “Unganoshumira Kusina Vaparidzi voUmambo Vakawanda Here?” uye “Zvingaita Here Kuti Uyambukire kuMakedhoniya?” dziri muNharireyomurindi yaApril 15 uye yaDecember 15, 2009.