Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisai Vana Venyu

Chaiita Kuti Dhokasi Adiwe

Chaiita Kuti Dhokasi Adiwe

TOSE tinoda kudiwa. Ndiwo manzwiro aunoitawo here? * Bhaibheri rinotaura nezvemukadzi ainzi Dhokasi uyo aidiwa chaizvo nevakawanda.

Dhokasi aigara muguta rainzi Jopa iro raiva pedyo neGungwa reMediterranean. Kubva kuJopa kuenda kuJerusarema paingova nemakiromita 56. Dhokasi aiva mumwe wevadzidzi vokutanga vaJesu.

Unofunga kuti chii chakaita kuti Dhokasi adiwe chaizvo?Bhaibheri rinoti aiita mabasa mazhinji akanaka uye aipa zvipo zvakanaka. Anofanira kunge aisonera chirikadzi nguo dzakanaka chaizvo. Sezvakangoitwa naJesu, mukadzi uyu aiudza vakawanda nezvaMwari wechokwadi, Jehovha.

Unoziva here dambudziko rinozowira Dhokasi?Anotanga kurwara zvakaipisisa obva afa. Shamwari dzake dzose dzinorwadziwa. Saka dzinotuma vanhu kuti vanodaidza muapostora Petro uyo anogara kure nemakiromita 16. Vanhu ava vanokumbira Petro kuti akurumidze kuuya. Petro paanosvika, anobva ananga muimba yepamusoro muna Dhokasi. Vakadzi vose varipo vari kuchema uye vanoratidza Petro nguo dzavakasonerwa naDhokasi.

Petro anobva audza munhu wose kuti abude mumba mune chitunha. Petro nevamwe vaapostora vakamboita zvimwe zvishamiso asi hapana mumwe wavo akanga ambomutsa munhu akafa. Unofunga kuti Petro anobva aitei?

Anopfugama pedyo nechitunha obva atanga kunyengetera kuna Jehovha. Zvadaro anoudza Dhokasi kuti amuke. Chokwadi Dhokasi anobva amuka! Petro anobva amubata ruoko kuti amubatsire kusimuka. Anodaidza chirikadzi dziya nevamwewo vanhu kuti vazoona Dhokasi. Ungafungidzira here kuti vose vanonzwa sei?

Iye zvino ngatione kuti ungadzidzei panyaya yokumutswa kwaDhokasi. Chimwe chainotidzidzisa ndechokuti kana ukabatsira vamwe, vachazokubatsirawo uye vachakuda. Asi chinonyanya kukosha ndechokuti Mwari achakuda uye haazombokanganwi zvinhu zvakanaka zvaunoitira vamwe. Uye achakupa mubayiro wokurarama nokusingaperi uchifara munyika yake itsva yakarurama.

Verenga muBhaibheri rako

^ ndima 3 Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.