Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Uye Anovaremekedza

Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Uye Anovaremekedza

JESU paaiva pasi pano, akanyatsoratidza unhu hwaBaba vake vokudenga uye maitiro avo. Akati: “Handiiti chinhu chandinozvitangira ndoga; asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba . . . Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” (Johani 8:28, 29; VaKorose 1:15) Saka kana tikacherechedza matauriro aiita Jesu nevanhukadzi uye mabatiro aaivaita, tinogona kunzwisisa maonero anoita Mwari vanhukadzi uye zvaanotarisira kwavari.

Kubva pane zviri munhoroondo dzeEvhangeri, nyanzvi dzakawanda dzinobvuma kuti Jesu aibata vanhukadzi zvakasiyana chaizvo nemabatirwo avaiitwa painyorwa Evhangeri idzodzo. Pakudini? Ko iye zvino dzidziso dzake dzichiri kusunungura vanhukadzi here?

Mabatiro Aiita Jesu Vanhukadzi

Jesu hapana paakati ndevokungoita navo zvebonde chete. Vamwe vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaiti kuva pedyo nevakadzi kwaitongoita kuti munhu ade zvebonde. Sezvo vakadzi vaityirwa kuti vangakonzera muedzo, vaisabvumirwa kutaura nevarume paruzhinji uye kufamba vasina kufukidza misoro. Kusiyana  neizvi, Jesu akapa varume zano rokuti vadzivise kuchiva kwenyama yavo uye kuti varemekedze vakadzi pane kuvarambidza kudyidzana nevamwe.—Mateu 5:28.

Jesu akatiwo: “Munhu wose anoramba mudzimai wake oroora mumwe anoita upombwe, achimutadzira.” (Mako 10:11, 12) Saka apa, Jesu akashora dzidziso yaitendwa navanarabhi iyo yaibvumidza kuti munhu arambe mudzimai wake nokuda “kwechikonzero chero chorudzi rupi zvarwo.” (Mateu 19:3, 9) VaJudha vakawanda vaisaziva kuti murume anogona kunzi atadzira mudzimai wake kana akaita upombwe. Vanarabhi vaidzidzisa kuti kana murume akaita upombwe haagoni kunzi atadzira mudzimai wake, asi mudzimai chete ndiye anonzi amutadzira. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Jesu paakati murume anotonzi aitawo upombwe, akasimudzira vakadzi uye akaita kuti varemekedzwe.”

Kubatsirwa kwatinoitwa nezvakadzidziswa naJesu: Muungano dzechiKristu dzeZvapupu zvaJehovha, vakadzi vanonamata vakasununguka pamwe nevarume. Havatyi kuti vachanyumwirwa kana kuti kujairirwa zvisina muganhu nokuti varume vechiKristu vanochenjerera kuti vabate “vakadzi vakura savanaamai, vakadzi vaduku sehanzvadzi nokuchena kwose.”1 Timoti 5:2.

Jesu aidzidzisawo vakadzi. Kusiyana nemaonero avanarabhi ayo aiita kuti vakadzi vasadzidziswa, Jesu aivadzidzisa uye aivakurudzira kuti vataure zvavaifunga. Jesu haana kurambidza Mariya kuti anakidzwe nokudzidziswa, zvichiratidza kuti basa revakadzi harisi rokungobika nokushandira vamwe mumba. (Ruka 10:38-42) Pakafa Razaro, mhinduro dzine musoro dzakapiwa naMarita mukoma waMariya, dzairatidza kuti akabatsirwa nezvaakadzidziswa naJesu.—Johani 11:21-27.

Jesu aikoshesa zvaifungwa nevakadzi. Panguva iyoyo, vakadzi vakawanda vechiJudha vaifunga kuti kuva nemwanakomana ndiko kwaizoita kuti vafare, kunyanya kana mwana wacho aizova muprofita. Mumwe mukadzi paakashevedzera achiti: “Rinofara dumbu rakakutakurai!” Jesu akashandisa mukana iwowo kuti amuudze zvimwe zvaibatsira. (Ruka 11:27, 28) Paakamuudza kuti kuteerera Mwari ndiko kwaikosha kupfuura zvose, Jesu akamuratidza chimwe chinhu chaikosha kupfuura zvaingotarisirwa kuti vakadzi vaite panguva iyoyo.—Johani 8:32.

Kubatsirwa kwatinoitwa nezvakadzidziswa naJesu: Vadzidzisi vomuungano dzechiKristu vanokoshesa zvinotaurwa nevakadzi pamisangano yeungano. Vanoremekedza vakadzi vakura nokuti ‘vanodzidzisa zvinhu zvakanaka’ nomuenzaniso wavo pavanenge vaine vamwe nepavanenge vari voga. (Tito 2:3) Vanotarisirawo kuti vakadzi vaparidze mashoko akanaka eUmambo hwaMwari kuvanhu vose.—Pisarema  68:11; ona bhokisi rakanzi  “Muapostora Pauro Akarambidza Vakadzi Kutaura Here?” iri papeji 9.

Jesu aiva nehanya nevakadzi. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri vanasikana vaisakosheswa sezvaiitwa vanakomana. Mafungiro aya anoratidzwa mubhuku rinonzi Talmud iro rinoti: “Anofara munhu ane vanakomana asi ane nhamo munhu ane vanasikana.” Kune dzimwe nyika vamwe vabereki vanoona vanasikana somutoro unorema nokuti vanotsvakira vanasikana vacho varume, vobhadhara varume vacho roora uye hazviiti kuti vanasikana vacho vazoriritira vabereki vavo kana vakwegura.

Jesu paakamutsa mwanasikana waJairosi sezvaakaitawo mwanakomana wechirikadzi yeNaini, akaratidza kuti upenyu hwemusikana hunokosha kungofanana nehwemukomana. (Mako 5:35, 41, 42; Ruka 7:11-15) Paakarapa mukadzi ainetswa ne“mudzimu wokushayiwa simba kwemakore gumi nemasere,” Jesu akamuti “mwanasikana waAbrahamu,” anova mashoko aisatombowanika muzvinyorwa zvechiJudha panguva iyoyo. (Ruka 13:10-16) Nemashoko iwayo okuremekedza uye emutsa, Jesu akaratidza kuti mukadzi uyu aikosha sezvaingoita vamwe vanhu vose uye kuti aiva nokutenda kwakasimba.—Ruka 19:9; VaGaratiya 3:7.

Kubatsirwa kwatinoitwa nezvakadzidziswa naJesu: Imwe tsumo yokuAsia inoti: “Kurera mwanasikana kwakafanana nokudiridza bindu romuvakidzani.” Vanababa vechiKristu vane rudo havatevedzeri mafungiro akadaro, asi vanorera vanakomana nevanasikana vavo zvakafanana. Vanova nechokwadi chokuti vana vavo vose vaenda kuchikoro uye vane utano hwakanaka.

Jesu akakudza Mariya Magadharini nokumuita kuti audze vadzidzi vake nezvokumuka kwake

Jesu aivimba nevanhukadzi. Mumatare edzimhosva echiJudha, uchapupu hwaipiwa nomunhukadzi hwaienzaniswa nohuya hwaipiwa nomuranda. Munyori wenhoroondo dzekare womuzana remakore rokutanga ainzi Josephus akati: “Hapana uchapupu hunopiwa nomunhukadzi hunofanira kubvumwa nokuti vanozvidzwa uye havakoshi.”

Kusiyana neizvi, Jesu akatosarudza kuti vakadzi vapupurire kumutswa kwake. (Mateu 28:1, 8-10) Kunyange zvazvo vakadzi ivavo vakatendeka vakaonawo kuurawa uye kuvigwa kwaIshe wavo, vaapostora vakaomerwa nokubvuma zvakataurwa nevakadzi vacho. (Mateu 27:55, 56, 61; Ruka 24:10, 11) Zvisinei, Kristu paakatanga kuzviratidza kuvakadzi ivavo achangomutswa, akaratidza kuti vaikodzera kupa uchapupu sezvaingoitawo vamwe vadzidzi.—Mabasa 1:8, 14.

Kubatsirwa kwatinoitwa nezvakadzidziswa naJesu: Muungano dzeZvapupu zvaJehovha varume  vanotungamirira vanokoshesa zvinotaurwa nevakadzi pane dzimwe nyaya. Misoro yemhuri yechiKristu ‘inokudza’ madzimai ayo nokunyatsoteerera zvavanotaura.—1 Petro 3:7; Genesisi 21:12.

Zvinotaurwa neBhaibheri Zvinoita Kuti Vakadzi Vafare

Vaya vanoita zvinotaurwa neBhaibheri vanoremekedza vanhukadzi uye vanovabata zvine chiremerera

Kana varume vakatevedzera Jesu, vanoremekedza vakadzi uye vanovapa rusununguko rwavakasikwa vainarwo naMwari. (Genesisi 1:27, 28) Pane kutsigira pfungwa yokuti varume vanokosha kupfuura vakadzi, varume vechiKristu vanoteerera zvinotaurwa neBhaibheri, zvichiita kuti madzimai avo afare.—VaEfeso 5:28, 29.

Yelena paakatanga kudzidza Bhaibheri, aishushwa nemurume wake asi aisazvitaura. Murume wacho akakura nevanhu vane utsinye, vaiita musengabere uye vaigara vachirova vakadzi. “Zvandakadzidza muBhaibheri zvakandisimbisa,” anodaro Yelena. “Ndakanzwisisa kuti pane mumwe munhu aindida zvikuru, aindikoshesa uye aiva nehanya neni. Ndaizivawo kuti kana murume wangu akadzidza Bhaibheri aizogona kuchinja mabatiro aaindiita.” Zvakazomufambira saizvozvo murume wake paakabvuma kudzidza Bhaibheri ndokuzobhabhatidzwa akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. “Murume wangu akazova muenzaniso wokutevedzera panyaya yokuzvidzora,” akadaro Yelena. “Takadzidza kukanganwirana nomwoyo wose.” Akazopedzisa nokutaura kuti: “Mazano eBhaibheri akanyatsondibatsira kuti ndione kuti murume wangu anondida uye ndinzwe ndisina chokutya.”—VaKorose 3:13, 18, 19.

Yelena haasiye oga akabatsirwa seizvi. Kune mamiriyoni evakadzi vechiKristu vari kufara nokuti ivo nevarume vavo vanoedza kuteerera zano reBhaibheri mumhuri dzavo. Vanoremekedzwa, vanonyaradzwa uye vanoita zvinhu vakasununguka pavanenge vaine vavanonamata navo.—Johani 13:34, 35.

Varume nevakadzi vechiKristu vanoziva kuti vane chivi uye kuti ivo zvisikwa zvaMwari zvakaiswa “muuranda hwokuora,” saka havakwanisi kuzvisunungura pachivi. Asi kana vakava noukama naMwari ane rudo Jehovha, vanova netariro yoku“sunungurwawo muuranda hwokuora” vova “norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” Chokwadi iyi itariro inofadza kuvarume nevakadzi vachange vachitongwa naMwari!—VaRoma 8:20, 21.