Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SWEDERA PEDYO NAMWARI

Jehovha “Haasaruri”

Jehovha “Haasaruri”

Wakambosarurwa here? Wakamborambirwa here zvawakanga wakumbira, kuitirwa rimwe basa, kana kuti kutarisirwa pasi pamusana peruvara rweganda rako, kwaunobva, kana mamiriro ako ezvinhu? Kana zvakadaro, hausi woga. Asi, panewo mashoko anofadza: Kunyange zvazvo zvinhu zvakadai zvakazara panyika, kudenga hazviwaniki. Muapostora wechiKristu Petro akataura nechivimbo chakazara kuti, “Mwari haasaruri.”—Verenga Mabasa 10:34, 35.

Petro akataura mashoko iwayo ari mumba memunhu aiva asiri muJudha ainzi Koneriyasi, uye izvi zvakanga zvisina kujairika. Petro akaberekerwa mumhuri yechiJudha, uye akararama panguva iyo vaJudha vaiona vanhu vemamwe marudzi sevasina kuchena zvokuti vaisafanira kutomboshamwaridzana navo. Saka nei Petro aiva mumba maKoneriyasi? Nokuti Jehovha Mwari ndiye akaita kuti vasangane. Petro ane zvaakanga aratidzwa naMwari, ndokuudzwa kuti: “Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” Petro haana kuziva kuti nezuro wacho, Koneriyasi ane zvaakanga aratidzwawo, ngirozi ichimuudza kuti ashevedze Petro. (Mabasa 10:1-15) Petro paakaziva kuti Jehovha ndiye akanga ari kutungamirira zvaiitika, haana kuzokwanisa kunyarara nyaya yacho.

Petro akati, “Chokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri.” (Mabasa 10:34) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kusarura’ rikatorwa sezvariri rinoreva “kuyera munhu nechiso chake.” (The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures) Imwe nyanzvi yakatsanangura shoko iri ichiti: “Rinotaura nezvemutongi anotarisa chiso chemunhu obva atonga, kwete maererano nezvakanyatsoitika, asi maererano nokuti anofarira munhu wacho here kana kuti kwete.” Mwari haana waanosarura pamusana perudzi rwake, nyika yaanobva, mamiriro ake ezvinhu, kana zvimwewo zvinoonekwa nevanhu.

Asi, Jehovha anoona zviri mumwoyo medu. (1 Samueri 16:7; Zvirevo 21:2) Petro akaenderera mberi achiti: “Murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:35) Kutya Mwari kunoreva kumuremekedza, kumukudza uye kuvimba naye, tichidzivisa chero chinhu chisingamufadzi. Kuita zvakanaka mumaonero aMwari zvichibva pamwoyo. Jehovha anofarira munhu ane mwoyo unomuremekedza zvikuru woita kuti aite zvakanaka.—Dheuteronomio 10:12, 13.

Jehovha paanotarisa panyika ari kudenga, anongoona rudzi rumwe chete—rudzi rwevanhu

Kana wakambosarurwa, zvakanaka kuti ukurudzirwe nemashoko akataurwa naPetro nezvaMwari. Jehovha ari kuita kuti vanhu vemarudzi ose vabatane nevanamati vechokwadi. (Johani 6:44; Mabasa 17:26, 27) Anoteerera uye anopindura minyengetero yevanamati vake pasinei nerudzi rwavo, nyika yavo, kana mamiriro avo ezvinhu. (1 Madzimambo 8:41-43) Tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha paanotarisa panyika ari kudenga, anongoona rudzi rumwe chete—rudzi rwevanhu. Izvi zvinoita kuti ude kudzidza zvakawanda nezvaMwari uyu asingasaruri here?

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna June

Johani 17-21Mabasa 1-10