Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Tichazombova nehurumende inotonga pasi rose here?

Hurumende inotonga pasi rose inogona kubatanidza vanhu vemarudzi ose sei? Isaya 32:1, 17; 54:13

Chimbofunga kuti upenyu hwaizonaka zvakadini kudai paiva nehurumende inotonga pasi rose. Vanhu vakawanda vari kutambura neurombo, asi vamwe vakapfuma zvisingaiti. Asi kana pakava nehurumende inonzwisisa inotonga pasi rose ndiyo chete ingaita kuti vanhu vose vawane zvavanoda. Unofunga kuti vanhu vachakwanisa here kuita kuti pave nehurumende yakadaro?—Verenga Jeremiya 10:23.

Hurumende dzagara dzichitadza kupa vanhu zvavanoda, kunyanya varombo. Dzimwe hurumende dzine utsinye. (Muparidzi 4:1; 8:9) Asi Mwari Wemasimbaose akavimbisa kuti achaita kuti pave nehurumende ichabvisa dzimwe dzose. Mutongi wacho achaita kuti vanhu vagare zvakanaka.—Verenga Isaya 11:4; Dhanieri 2:44.

Umambo hwaMwari huchaitei?

Jehovha Mwari akasarudza Mutongi akanyatsokodzera wepasi rose, Mwanakomana wake Jesu. (Ruka 1:31-33) Paaiva panyika, Jesu aifarira kubatsira vanhu. SaMambo, achabatanidza vanhu vemarudzi ose uye achabvisa zvose zvinovatambudza.—Verenga Pisarema 72:8, 12-14.

Vanhu vese vachabvuma here kuti Jesu ave Mutongi wavo? Kwete. Asi Jehovha ane mwoyo murefu. (2 Petro 3:9) Ari kupa vanhu mukana wekubvuma kuti Jesu ave Mutongi wavo. Pasina nguva Jesu achaparadza vakaipa oita kuti panyika pave nerunyararo, pasina chekutya.—Verenga Mika 4:3, 4.