Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 125

“Vanofara Vane Ngoni!”

“Vanofara Vane Ngoni!”

(Mateu 5:7)

  1. 1. Mwari wedu ane ngoni,

    Anozviita nerudo.

    Anoda zvi’to zvengoni,

    Achitipa zvatinoda.

    Vanopfidza vanonzwiwa

    Pavanokumbira ngoni.

    Achiyeuka tiri ’vhu

    Ane ngoni uye mutsa.

  2. 2. Tasuruvara nechivi

    Tichida kukanganwirwa,

    She Jesu otidzidzisa

    Kuti tikumbire ngoni:

    “Tidzimireiwo zvivi,

    Nesu tokanganwirawo.”

    Tinobva tanyevenuka,

    Tinonzwa tasununguka.

  3. 3. Pakupa zvipo zvengoni,

    Topa zvinofashukira.

    Hatitsvagi kurumbidzwa,

    Asi mufaro wekupa.

    Mwari anoona zvese

    Ndiye achatiripira.

    Vane ngoni vanofara,

    Kuna Mwari vakanaka.