RWIYO 51
Takazvitsaurira Kuna Mwari
-
1. Kuna Kristu takaswededzwa naMwari,
Tava vadzidzi vake zvino.
Pachigaro chaMwari,
Chinopenya chiedza.
Kutenda kwawedzera;
Tapika kuzviramba.
(KORASI)
Takazvitsaurira kuna Jehovha.
Tofara muna Mwari naJesu.
-
2. Mumunyengetero Jehovha tamuti
Tichamushumira narini.
Mufaro watinawo
Vamwe ngavaunzwewo,
Tine zita raMwari,
Tinoparidza Ushe.
(KORASI)
Takazvitsaurira kuna Jehovha.
Tofara muna Mwari naJesu.
(Onawo Pis. 43:3; 107:22; Joh. 6:44.)