Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 51

Takazvitsaurira Kuna Mwari

Takazvitsaurira Kuna Mwari

(Mateu 16:24)

  1. 1. Kuna Kristu takaswededzwa naMwari,

    Tava vadzidzi vake zvino.

    Pachigaro chaMwari,

    Chinopenya chiedza.

    Kutenda kwawedzera;

    Tapika kuzviramba.

    (KORASI)

    Takazvitsaurira kuna Jehovha.

    Tofara muna Mwari naJesu.

  2. 2. Mumunyengetero Jehovha tamuti

    Tichamushumira narini.

    Mufaro watinawo

    Vamwe ngavaunzwewo,

    Tine zita raMwari,

    Tinoparidza Ushe.

    (KORASI)

    Takazvitsaurira kuna Jehovha.

    Tofara muna Mwari naJesu.