Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinotii Nezvemabatirwo Anofanira Kuitwa Vanhukadzi?

Bhaibheri Rinotii Nezvemabatirwo Anofanira Kuitwa Vanhukadzi?

 Pasi rese, pane vakadzi nevasikana vakawanda vakamboshungurudzwa. Zvakamboitika kwauri here? Ona kuti nei Mwari achida kuti vakadzi vabatwe zvakanaka uye kuti achaitei nenyaya yekubatwa zvisina kunaka kwevakadzi.

 “Pandaiva mudiki, hanzvadzi yangu yaindirova uye yaindituka zuva rega rega. Pandakaroorwa, amwene vangu vaindishungurudzawo. Ivo navatezvara vangu vaindibata semuranda. Ndaigara ndichifunga kuzviuraya.”—Madhu, a India.

 Sangano reWorld Health Organization rakati, “Pasi rese, vakadzi vari kushungurudzwa.” Vanofungidzira kuti pavakadzi vatatu vega vega pane mumwe chete akamborohwa kana kuti kushungurudzwa pabonde.

 Kana zvakamboitikawo kwauri, pese paunenge uri unogona kugara uchingotya kuti pamwe uchatukwa, ucharohwa kana kuti kubatwa chibharo. Kubatwa zvisina kunaka kunoitwa vakadzi kunogona kuita kuti upedzisire wava kuona sekuti vanhu vakawanda vanofunga kuti “Vakadzi Havana Basa.” Asi vakadzi vanokosha kuna Mwari here?

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoda kuti vakadzi vabatwe zvakanaka

Mwari anoona sei vakadzi?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwari akavasika munhurume nemunhukadzi.”—Genesisi 1:27.

 Zvazvinoreva: Mwari akasika vanhurume uye vanhukadzi. Anoona vese vakakodzera kuremekedzwa. Mwari anotarisirawo kuti murume ‘ade mudzimai wake sezvaanozviita.’ Haafaniri kuedza kumutonga uye kumuudza mashoko anorwadza kana kuti kumurova. (VaEfeso 5:33; VaKorose 3:19) Zviri pachena kuti Mwari anoda kuti vakadzi vabatwe zvakanaka.

 “Pandaiva mudiki, ndakashungurudzwa pabonde neveukama. Pandakanga ndava nemakore 17, munhu wandaishandira akandityisidzira achiti aizondidzinga basa kana ndikasarara naye. Ndatokura, murume wangu, vabereki vangu uye vavakidzani vangu vaisandiremekedza. Asi ndakazodzidza nezvaJehovha, b Musiki. Anoremekedza vakadzi. Izvi zvakaita kuti ndive nechokwadi chekuti anondida uye ndinokosha chaizvo kwaari.” —Maria, Argentina.

Chii chingakunyaradza?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.”—Zvirevo 18:24.

 Zvazvinoreva: Shamwari yechokwadi inokutsigira. Kana uchiona sekuti zvinogona kukubatsira, udza mumwe munhu waunovimba naye manzwiro ako.

 “Kwemakore 20, hapana wandakamboudza kuti ndakanga ndamboshungurudzwa pabonde. Izvi zvakaita kuti ndisuruvare, ndishungurudzike uye ndizvidye mwoyo. Asi pandakazoudza mumwe munhu aida kunyatsonditeerera, ndakanyatsonzwa kurerukirwa.”—Elif, Türkiye.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Muchikanda zvese zvinokudyai mwoyo [pana Mwari], nekuti iye ane hanya nemi.”—1 Petro 5:7.

 Zvazvinoreva: Paunonyengetera, Mwari anonyatsoteerera. (Pisarema 55:22; 65:2) Anogona kukubatsira kuti unzwisise kuti wakakosha nekuti ane hanya newe.

 “Kudzidza nezvaJehovha kwakandinyaradza pakurwadziwa kwandaiita mumwoyo. Iye zvino ndinogona kunyengetera kuna Mwari ndichimuudza zviri pasi pemwoyo wangu. Akaita seshamwari inonyatsonzwisisa manzwiro angu.” —Ana, Belize.

Mwari achagumisa kubatwa zvisina kunaka kwevanhukadzi here?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Jehovha . . . achatonga zvakarurama nyaya dzenherera nedzevaya vakadzvinyirirwa, zvekuti munhuwo zvake wepanyika haazovatyisi zvakare.”—Pisarema 10:​17, 18.

 Zvazvinoreva: Munguva pfupi iri kutevera, Jehovha achagumisa kubatwa zvisina kunaka kwevanhu kusanganisira kudzvinyirirwa uye kushungurudzwa kwevanhukadzi.

 “Zvinondinyaradza kuziva kuti munguva pfupi iri kutevera Jehovha achabvisa kubatwa zvisina kunaka kwevakadzi nevasikana vechidiki. Zvinoita kuti ndinzwe kuzorora.” —Roberta, Mexico.

 Kuti unzwe zvakawanda nezvetariro yatinowana muBhaibheri, kuti nei uchikwanisa kuvimba nezvarinotaura uye kuti Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira sei vanhu zvichishandisa Bhaibheri, kumbira munhu akupa pepa iri kuti auye kuzokuona pasina mari yaunobhadhara

 Dhaunirodha nyaya iyi.

a Mazita akachinjwa.

b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:​18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”