Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinotaurwa neBhaibheri Nezveupenyu hwevaJudha kuBhabhironi Ndezvechokwadi Here?

Zvinotaurwa neBhaibheri Nezveupenyu hwevaJudha kuBhabhironi Ndezvechokwadi Here?

Makore 2 600 apfuura, vaJudha vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi uye vakaita makore 70 vari ikoko. Mwari akagara ataura upenyu hwavaizorarama vava kuBhabhironi. Akati: “Vakai dzimba mogaramo. Dyarai minda mudye michero yayo. Wanai madzimai muve nevanakomana nevanasikana. . . Tsvagaiwo rugare rweguta randakakuendesai.” (Jeremiya 29:1, 4-7) Ndizvo zvakaitika kuvaJudha here?

Pane nyanzvi dzakaongorora matombo anopfuura 100 akanyorwa kare, anoratidza kuti aiva emuBhabhironi kana kuti nzvimbo dzakapoteredza. Zvakanyorwa pamatombo acho zvinoratidza kuti vaJudha vakawanda vakaramba vachitevedzera tsika dzavo nemanamatiro avo asi vachizviisa pasi peutongi hwevaBhabhironi. Matombo acho aitangira gore ra572 kusvika 477 B.C.E., uye ane mashoko ezvibvumirano zvekurenda dzimba, mabhizinesi, vimbiso dzekubhadhara zvikwereti nemamwe mapepa ezvemari. Rimwe bhuku rinoti, “Matombo aya anoratidza upenyu hwairaramwa nevanhuwo zvavo kumamisha. Vairima, vaivaka dzimba, vaibhadhara mitero uye vaishandira mambo.”

Dombo rine vimbiso yekubhadhara chikwereti rakawanikwa muJudahtown

Matombo acho anoratidza kuti paiva nevaJudha vakawanda vaigara munzvimbo yainzi Al Yahudu, kana kuti Judahtown. Matombo acho akanyorwa mazita ezvizvarwa 4, uye mamwe acho akatonyorwa nechiHebheru. Pasati pawanika matombo aya, vaongorori vaingoziva zvishoma nezveupenyu hwakararamwa nevaJudha vainge vakatapwa vachiendeswa kuBhabhironi. Dr. Filip Vukosavović, mumwe wevanoona nezvekucherwa kwematongo muIsrael, anoti: “Matombo aya akatibatsira kuti tikwanise kuziva nezvevanhu ava, tava kuziva mazita avo, kwavairaramira, mabasa avaiita uye kuti vakararama riini.”

VaJudha vakanga vatapwa vainge vaine rusununguko rwekuita zvimwe zvinhu

VaJudha vaiva nerusununguko rwekufamba vachienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana. “Vakanga vasingangogari muAl-Yahudu chete, asi mune mamwewo maguta akawanda,” vanodaro Dr Vukosavović. Vamwe vavo vakadzidza mabasa akazovabatsira pakuvakazve Jerusarema. (Nehemiya 3:8, 31, 32) Matombo akawanikwa muAl-Yahudu anoratidzawo kuti vaJudha vakawanda vakasarudza kuramba vachigara havo muBhabhironi kunyange pavakanga vasunungurwa. Izvi zvinoratidza kuti upenyu hwavakararama vari muBhabhironi, ndihwo chaihwo hwakanga hwataurwa neShoko raMwari.