Enda pane zvauri kuda

Gungano redunhu rekutanga reMutauro wechiWichi. Pikicha iri nechepakati: Purogiramu yakaprindwa yegungano reMutauro wechiWichi

30 JUNE 2023
ARGENTINA

Gungano Rekutanga reMutauro wechiWichi Rakaitwa kuArgentina

Gungano Rekutanga reMutauro wechiWichi Rakaitwa kuArgentina

Musi wa7 May 2023, gungano rekutanga redunhu remutauro wechiWichi rakaitwa kuArgentina mune imwe Imba yeUmambo muguta reTartagal, Salta. Gungano iri raiva nemusoro unoti “Shamwari Dzerugare.” Gungano iri rakatepfenyurwawo kune dzimwe nzvimbo nhatu dziri muArgentina pachishandiswa indaneti. Vese vakapinda vaiva 169 uye vanhu vaviri vakabhabhatidzwa.

Mudzidzi weBhaibheri wechiWichi ari kuverengawo Bhaibheri rake achifambirana nemukurukuri

Vanhu vakawanda vanotaura mutauro wechiWichi vanogara kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweArgentina uye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweBolivia. Mumakore anenge 10 chete, pakaumbwa ungano mbiri, mapoka matatu uye tumapoka 6. Pavanhu ava, vaparidzi 45 vanotaura chiWichi uye vamwe vese vari kudzidza.

Vazhinji vakapinda gungano iri vanogara kunzvimbo dziri kwadzo dzega. Imwe hama yakwegura inonzi Paulino inogara kunzvimbo iri kure nemakiromita 455 kubva muTartagal. Yakaita maawa 12 nebhazi ichienda kunopinda gungano racho. Gungano parakapera, yakati: “Ndinotenda chaizvo Jehovha nehama dzakashanda nesimba kuti tinakidzwe nepurogiramu iyi mumutauro wedu.”

Kune vamwe, aka kaitova kekutanga kupinda gungano reZvapupu zvaJehovha vakaungana nevamwe. Mumwe mukadzi anonzi Delia uyo anotaura chiWichi, akatanga kudzidza Bhaibheri munguva yeCOVID-19. Akafamba kweawa rese aine vana vake vaviri kuti apinde gungano. Chimwe chezvinhu zvakanyanya kufarirwa naDelia chaiva kuonana kekutanga nehanzvadzi yaakatanga kudzidza nayo Bhaibheri!

Kufara kwakaita hama nehanzvadzi dzedu pagungano iri rekutanga remutauro wechiWichi unoratidza kuti Jehovha ‘anokudza’ vanhu vake vakavimbika.—Pisarema 4:3.