Enda pane zvauri kuda

Hofisi yebazi iri munharaunda yeNormandy, kuFrance

30 MAY 2023
FRANCE

Bheteri remuFrance Rava Nemakore 50 Riri Munharaunda yeNormandy

Bheteri remuFrance Rava Nemakore 50 Riri Munharaunda yeNormandy

Pakasvika January 2023, akanga ava makore 50 kubva patakatanga kushandisa mahofisi ebazi reFrance ari munharaunda yeNormandy. Mahofisi acho akazotsaurirwa musi wa9 June 1973, pashure pemwedzi inenge 6 tatanga kuashandisa.

Mahofisi ari muNormandy asati avakwa, Bheteri reFrance raiva muguta reBoulogne-Billancourt, riri pedyo neParis. Asi pakanga pava kudiwa mahofisi akakura nekuti nhamba yevaparidzi yairamba ichiwedzera. Uyewo, mabhuku aiprindwa nekutumirwa kubva kuUnited States aisvikira muguta reLe Havre, riri makiromita anenge 200 kubva kwaiva nebazi. Saka kuti vaderedze mari, nguva yaidiwa pakutakura mabhuku acho, nezvimwewo, hama dzakatanga kutsvaga nzvimbo yaiva nechepakati peBoulogne-Billancourt neLe Havre kuti vavake mamwe mahofisi ebazi.

Hama dzakazotenga nenzvimbo yekuvaka mune rimwe taundi diki rinonzi Louviers riri muguta reNormandy. Nzvimbo yacho yaiva anenge makiromita 100 kubva kuParis neLe Havre. Basa rekuvaka rakatanga muna 1972 uye rakaita mwedzi 8.

Mumakore akatevera nhamba yevaparidzi yakaramba ichiwedzera. Izvi zvaireva kuti zvivakwa zvaiva muNormandy zvaifanira kuramba zvichiwedzerwa. Zvadaro, hama dzakatenga imwe nzvimbo yaiva pedyo vachibva vavaka dzimba dzekugara, uye muna 1996, mhuri yeBheteri yakanga ichiri kugara kuBoulogne-Billancourt yakatamira kuNormandy.

Turakiti rakanzi Unoona Sei Bhaibheri? riri mumitauro 20 pamitauro 24 inoshandurirwa pahofisi yebazi yemuFrance mazuva ano

Iye zvino, munyika 13 dziri pasi pebazi reFrance mune vaparidzi vanodarika 162 000 vari kuparidza mashoko akanaka. Muna 1998, bazi reFrance rakamira kuprinda mabhuku, saka zvivakwa zvavaishandisa zviri muNormandy zvakagadziridzwa kuti zvishandiswe kuitira mamwe mabasa anotsigira basa redu rekuparidza nekudzidzisa. Mabasa acho anosanganisira kushandurira mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro 24. Pabazi racho panoitwawo basa rekugadzira mavhidhiyo. Iye zvino, pane hama nehanzvadzi dzinopfuura 400 dziri kushanda pabazi iri.

Tiri kufara kuona Jehovha achiita kuti basa rekuparidza muFrance ‘rikurumidze’!—Isaya 60:22.