Enda pane zvauri kuda

Pikicha iri kuratidza zvichange zvakaita zvivakwa zveRamapo kana zvapera. Kapikicha kadiki: Vamiririri veTaundi reRamapo vachiita musangano musi wa28 June 2023

3 JULY 2023
NHAU DZEPASI RESE

Basa rekuRamapo

Takapiwa Mvumo Yekuti Mamwe Mabasa Anokosha Atange Kuitwa kuRamapo

Takapiwa Mvumo Yekuti Mamwe Mabasa Anokosha Atange Kuitwa kuRamapo

Musi wa28 June 2023, takawana imwe mvumo inokosha yekuti tiite basa rekuRamapo muNew York, U.S.A. Vanoona nezvetaundi reRamapo vakatipa mvumo yekuti tiite basa ratiri kuda kuita kuRamapo. Kunyange zvazvo pachiine zvimwe zvakawanda zvichiri kuda kuitwa, mvumo iyi inoita kuti tikwanise kuenderera mberi nebasa redu.

Chinoshamisa ndechekuti pakaitwa musangano nevanoona nezvetaundi reRamapo, vagari vemunharaunda yacho uye vamiririri vetaundi racho havana zvavakataura zvinoratidza kuti vaisada kuti tivake zvivakwa zvedu. Hama Keith Cady, vari muKomiti Inotungamirira Pari Kuvakwa (CPC), vakati: “Takaita mwedzi yakawanda tichigadzira purani yataifanira kuzoendesa kutaundi reRamapo uye takaita zvese zvaidiwa.” Chinangwa chedu chaiva chekuti zvivaitire nyore kuipasisa. Vetaundi racho vakataura kuti vakaona kuti takanga tashanda nesimba uye vakabvumirana nezvese zvataida. Hama David Soto, mumwe ari muKomiti Inotungamirira Pari Kuvakwa (CPC), vakati: “Muawa imwe chete, vakanga vatokurukura nyaya iyi uye vatotipa mvumo yataida! Tinotenda chaizvo vamiririri vetaundi reRamapo nechido chavo chekubatsira vanhu uye kushanda kwavanoita nesimba. Tinotarisira kuzoshanda zvakanaka navo munguva inotevera.”

Mvumo iyi yatakapiwa inoita kuti tikwanise kutanga mamwe mabasa anokosha kuRamapo. Hama Cady vakati: “Miti yakatemwa paichangobviswa, basa richabva ratotanga. Tiri kutarisira kuti gore rinouya parinenge rava kupera, pachadiwa vanhu vakawanda vanozvipira kuuya kuzobatsira. Tese taiva pamusangano wacho takafara chaizvo kunzwa vamiririri vese vetaundi reRamapo vachibvuma kuti basa richitanga.”

Tese sesangano tinotenda chaizvo Jehovha nezvakaitika izvi. Tinoramba tichinyengetera kuti Jehovha akomborere vese vachange vachiita basa iri kuti ‘vazvisimbise kuita basa racho rakanaka’.—Nehemiya 2:18.