Enda pane zvauri kuda

15 MAY 2023
RWANDA

Mvura Ine Simba Yakanaya Ikakonzera Mafashamo Uye Kuondomoka Kwevhu Kumavirira kweRwanda

Mvura Ine Simba Yakanaya Ikakonzera Mafashamo Uye Kuondomoka Kwevhu Kumavirira kweRwanda

Mvura ine simba yakanaya musi wa2 na3 May 2023, yakakonzera mafashamo uye kuondomoka kwevhu kumavirira kweRwanda. Izvi zvakaita kuti vanhu vanopfuura 130 vafe uye zviuru zvevanhu zvakasiya misha yazvo. Mafashamo akaparadza zvirimwa, misha, mabhiriji uye migwagwa.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa kana kukuvara

  • Dzimba 51 dzakaparadzwa

  • Dzimba 43 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 2 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi matatu akaumbwa kuti atungamirire basa rekuyamura uye abatsire hama kuti dziwane zvekurarama nazvo

  • Hama dziri muDare Rebazi, vatariri vematunhu uye vakuru vemunzvimbo yacho vari kukurudzira nekunyaradza vaya vakawirwa nenjodzi iyi

Tinonyengetera kuti Jehovha arambe achitsigira hama nehanzvadzi dzedu dziri muRwanda dziri “munguva yekutambudzika.”—Pisarema 46:1.