Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAIBHURARI YEWATCHTOWER

Kuisa Zvinhu Zvitsva paRaibhurari yeWatchtower

Kuisa Zvinhu Zvitsva paRaibhurari yeWatchtower

Unogona kuita kuti Raibhurari yeWatchtower itsvage paIndaneti zvinhu zvitsva zvinenge zvawedzerwa, kana kuti unogona kuisa zvinhu zvacho wega nekudhaunirodha faira idzva rinenge rakaiswa zvinhu zvacho.

Kuita kuti Raibhurari yeWatchtower Itsvage Zvinhu Zvitsva paIndaneti

Ita zvinhu zvinotevera kuti Raibhurari yeWatchtower itsvage paIndaneti zvinhu zvitsva zvinenge zvawedzerwa.

  1. PaRaibhurari yeWatchtower, baya pakanzi Raibhurari, wozobaya pakanzi Zvaunogona Kuchinja kuti pabude kabhokisi kakanzi Zvaunogona Kuchinja paRaibhurari.

  2. Pakabhokisi ikako kakanzi Zvaunogona Kuchinja paRaibhurari, baya pakanzi Zvitsva Zvawedzerwa, wozobaya mukabhokisi kari padivi pemashoko ekuti Kana pakava nezvitsva ngaidhaunirodhe yega.

  3. Kana pakangova nezvitsva paIndaneti, panobuda kabhokisi kanenge kachikubvunza kuti unoda here kuisa zvinhu zvitsva. Baya pakanzi Yes kuti Raibhurari yeWatchtower idhaunirodhe zvinhu zvacho zvitsva yozviisa paRaibhurari yeWatchtower iri pakombiyuta yako.

Kuisa Wega Zvinhu Zvitsva paRaibhurari yeWatchtower

Unogona kuisa wega zvinhu zvitsva paRaibhurari yeWatchtower uchishandisa faira rinenge rakaiswa zvinhu zvacho. Kuti uwane faira iri, unogona kuritora paRaibhurari yeWatchtower yakatoiswa zvinhu zvitsva kana kuridhaunirodha uchishandisa bhatani riri papeji rino.

Kutora Faira paRaibhurari yeWatchtower Yakatoiswa Zvinhu Zvitsva

Gadzira farira racho nekutevedzera zviri pasi apa:

  1. PaRaibhurari yeWatchtower, baya pakanzi Rubatsiro, wozobaya pakanzi Zvitsva Zvawedzerwa wozobayazve pakanzi Gadzira Faira Rezvitsva.

  2. Sarudza kuti unoda kuti faira racho riiswe papi pakombiyuta yako, wobva wabaya pakanzi Save. Raibhurari yeWatchtower ichabva yagadzira faira rine zita rinopera nekuti “.updatepkg”.

Dhaunirodha Faira Rezvitsva

Baya bhatani riri pasi apa kuti uone kana paine faira rezvitsva reRaibhurari yeWatchtower mumutauro wako. Kana riripo, ribaye wotevedzera mirayiridzo yauchapiwa yekuti ungariisa sei pakombiyuta yako.

Kuisa Zvinhu Zvitsva Uchishandisa Faira Rawadhaunirodha

Kuti uise zvinhu zvitsva paRaibhurari yeWatchtower uchishandisa faira rawadhaunirodha, tevedzera zvinotevera:

  1. PaRaibhurari yeWatchtower, baya pakanzi Rubatsiro wozobaya pakanzi Zvitsva Zvawedzerwa, wozobayazve pakanzi Isa Zvitsva.

  2. Pakabhokisi kanobuda, enda pawaisa faira riya rine zita rinopera nekuti “.updatepkg”. Ribaye wobva wabaya pakanzi Open kuti zvinhu zvitsva zviiswe paRaibhurari yeWatchtower iri pakombiyuta yako.