Enda pane zvauri kuda

Munofunga Kuti Ndimi Mune Chitendero Chechokwadi Here?

Munofunga Kuti Ndimi Mune Chitendero Chechokwadi Here?

 Vaya vanonamata zvichibva pasi pemwoyo, vanofanira kufunga kuti chitendero chavakasarudza ndicho chinogamuchirwa naMwari naJesu. Nokuti kana zvisina kudaro, hapana chikonzero chokubatana nechitendero ichocho?

 Jesu Kristu haana kubvumirana nepfungwa yakazara muzvitendero zvakawanda yokuti kune zvitendero zvakawanda zvinomiririrwa nemigwagwa yakawanda, zvinoita kuti vanhu vaponeswe. Asi akati: “Gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:​14) Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kuti zvakawana mugwagwa iwoyo. Nokuti dai zvisina kudaro, vaizotsvaka chimwe chitendero.