Enda pane zvauri kuda

Mazuva 6 Akasikwa Zvinhu Aiva Akareba Maawa 24 Here?

Mazuva 6 Akasikwa Zvinhu Aiva Akareba Maawa 24 Here?

 Kwete. Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvose. Asi hatibvumirani nedzidziso yokuti zvinhu zvose zvakasikwa mumazuva 6 aiva akareba maawa 24. Chikonzero nei? Nemhaka yokuti zvinotaurwa nevanotsigira dzidziso iyi zvinopesana neBhaibheri. Ona mienzaniso miviri iyi:

  1.   Mazuva 6 okusika akareba zvakadini? Vamwe vanotsigira dzidziso iyi vanoti mazuva aya akareba maawa 24. Asi shoko rokuti “zuva” muBhaibheri rinogona kureva nguva yakati rebei.​—Genesisi 2:4; Pisarema 90:4.

  2.   Nyika yava nemakore mangani? Vamwe vanotsigira dzidziso iyi vanodzidzisa kuti nyika ino ingori nezviuru zvemakore. Asi maererano neBhaibheri, nyika ino uye denga zvakasikwa mazuva 6 okusika asati atanga. (Genesisi 1:1) Nokuda kwechikonzero ichi, Zvapupu zvaJehovha zvinobvumirana neongororo dzinoitwa nevesayenzi dzokuti nyika ino yava nemabhiriyoni emakore.

 Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichitenda kuti zvinhu zvakasikwa, hatipikisani nesayenzi. Tinotenda kuti sayenzi yechokwadi neBhaibheri zvinopindirana.