Enda pane zvauri kuda

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza Paimba Neimba?

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza Paimba Neimba?

 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaite “kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 28:​19, 20) Paakatuma vadzidzi vake vokutanga-tanga, Jesu akavarayira kuti vaende mudzimba dzevanhu. (Mateu 10:​7, 11-​13) Pashure pokufa kwaJesu, vaKristu vokutanga-tanga vakaenderera mberi nokuparadzira shoko ravo “pachena uye paimba neimba.” (Mabasa 5:​42; 20:​20) Isu tinotevedzera muenzaniso iwoyo wevaKristu vokutanga uye tinoona kuti kuparidza paimba neimba inzira yakanaka inoita kuti titaure nevanhu.