Enda pane zvauri kuda

Ungano Dzenyu Dzakarongwa Sei?

Ungano Dzenyu Dzakarongwa Sei?

 Dare revakuru rinotarisira ungano imwe neimwe. Ungano dzinenge 20 dzinoumba dunhu, uye matunhu anenge 10 akabatanidzwa anoumba ruwa. Vakuru vanoita basa rokufambira vanoshanyira ungano imwe neimwe pashure penguva yakati. Vakuru ava vanonzi vatariri vematunhu kana kuti vatariri vemaruwa.

 Dare Rinodzora iro rinoumbwa neZvapupu zvava nemakore ndiro rinopa mirayiridzo inobva muBhaibheri. Dare iri rinoshandira pamuzinda mukuru weZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, New York.—Mabasa 15:23-29;1 Timoti 3:1-7.