Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinorambidza Mamwe Mafirimu, Mabhuku, Kana Kuti Nziyo Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinorambidza Mamwe Mafirimu, Mabhuku, Kana Kuti Nziyo Here?

 Kwete. Sangano redu hariongorori mafirimu, mabhuku, kana kuti nziyo kuitira kuti rione kuti ndezvipi zvisingakodzeri kuonekwa nevatinonamata navo. Chikonzero nei?

  Bhaibheri rinokurudzira kuti mumwe nomumwe ashandise kunzwisisa kwake kuti azive kuti chakanaka ndechipi uye chakaipa ndechipi.—VaHebheru 5:14.

  Magwaro ane mashoko anobatsira muKristu pakusarudza zvinomuvaraidza. a Kufanana nezvimwe zvose zvatinoita muupenyu, chinangwa chedu ‘ndechokuramba tichiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.’—VaEfeso 5:10.

  Bhaibheri rinodzidzisa kuti baba ndivo musoro wemhuri, uye vane simba rokusarudza zvinhu zvinofanira kuonekwa nevanhu vari pamba pavo. (1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 6:1-4) Asi kana musiri mumhuri, hapana ane simba rokuudza vamwe kuti mafirimu akati, nziyo, kana kuti vaimbi hazvina kukodzera vanhu vari muungano.—VaGaratiya 6:5.

a Somuenzaniso, Bhaibheri rinorambidza chinhu chose chinokurudzira kuita zvemidzimu, unzenza kana kuti kurwisana.—Dheuteronomio 18:10-13; VaEfeso 5:3; VaKorose 3:8.