Enda pane zvauri kuda

“Basa Rinoitwa Nemadzimai Pakuvaka”

“Basa Rinoitwa Nemadzimai Pakuvaka”

Zvapupu zvaJehovha zviri kuvaka hofisi yebazi pedyo neChelmsford, Essex. Rimwe sangano rinoona nezvekuvaka kuBritain, rakavarumbidza nekudzidzisa kwavanoita madzimai kuti akwanise kushandisa marori nemichina mihombe. Sangano reConsiderate Constructors Scheme a (CCS) rakati Zvapupu zvaJehovha zvakatsvunha pakudzidzisa kwavanoita madzimai mabasa, uye rakati vashoma vari kuzviita. Nei vakanzi vakatsvunha?

MuBritain, madzimai anovaka haasviki 13%. Imwe ongororo yakaitwa neimwe kambani yemuBritain, inoratidza kuti vasikana havatombodi zvekuita basa rekuvaka. Asi pabasa riri kuitwa paChelmsford, inenge 40% yevashandi vari ipapo madzimai. Pavanhu vanoshandisa marori nemimwe michina mihombe patori nemadzimai anopfuura 60%.

Madzimai achishanda nevarume kuChelmsford

Chii chinobatsira madzimai aya kuti abudirire? Kudzidziswa nekutsigirwa kwavari kuitwa. Izvi ndizvo zvimwe zvinotarisirwawo neveCCS. Sangano iri rinokurudzira vemakambani ekuvaka kuti vakoshese vashandi vavo nekuita kuti ‘munhu wese adzidziswe basa, anzwe achiremekedzwa, achibatwa zvakaenzana, achikurudzirwa uye achitsigirwa.’

Kudzidzisa Madzimai Kuti Ashandise Michina Mihombe

Jade, ndemumwe mudzimai akadzidziswa kushandisa magiredha nemarori. Anoti: “Zvinonakidza! Handina kumbofunga kuti ndingazvigona. Dzimwe nguva basa racho rinombooma, asi ndinogara ndichidzidziswa uye ndichidzidza zvinhu zvitsva.” Lucy, akadzidziswawo kushandisa michina mihombe. Anoti: “Pandakauya, ndaitoshaya kuti chiiwo chandingaita chandinogona. Asi kubva musi wekutanga, ndakatanga kudzidziswa. Kusvikira pari zvino, ndashanda nematimu 5 uye ndiri kudzidza zvakawanda!”

Mudzimai ari kudzidziswa kudhiraivha muchina wekusimudza zvinhu

Madzimai aya ane zvakawanda zvaanogona kupfuura kungoshandisa michina. Mumwe murume anotungamirira imwe timu anonzi Eric anoti: “Madzimai anobata michina zvakanaka kupfuura varume, uye anokurumidza kuona kana paine chisiri kushanda zvakanaka uye anokurumidza kutaura.”

Kutsigira Madzimai Pabasa Rekuvaka

Mumwe murume anonzi Carl, uyo anotungamirira matimu akati wandei anoshandisa michina mihombe anoti: “Ndakashamiswa chaizvo nekugona kwakaita madzimai kudhiraivha michina. Dzimwe nguva ndaitosarudza kuti madzimai adhiraivhe pane kuti varume vava nemakore vadhiraivhe!”

Kushandisa muchina unobatanidza mapaipi epurasitiki

Vanenge vachitungamirira matimu pavanotsigira vavanoshanda navo, zvinoita kuti vavape chivimbo. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Therese. Ava neunyanzvi pakushandisa michina mihombe, uye anoti ukapiwa basa iri ziva kuti zvese zvaiswa pamapfudzi ako uye unofanira kungwarira kuitira kuti pasava nenjodzi. Therese anotsanangura kuti: “Pandinoziva kuti ari kutungamirira timu yedu ari kunditsigira, ndinotoita zvakawanda kupfuura zvandaizoita nekuti ndinenge ndichinzwa kuti vanovimba neni. Ukazoziva kuti vanhu vanokoshesawo basa raunenge waita unobva wanzwa kuti washandira zviripo!”

Abigail, ndemumwe anodhiraivhawo magiredha nemarori. Anofara nekutsigirwa kwaanoitwa uye anoti: “Varume vandinoshanda navo pano havanditarisiri pasi. Vanondibatsira asi havazonditoreri basa racho. Vanosiya ndichiripedzisa.”

Vashandi Vanoshanda Nesimba Uye Nechido

Madzimai ari kushanda kuChelmsford akadzidziswawo basa rekuyera kukura kwenzvimbo, kuchengetedza nharaunda, kugadzira michina inenge yafa, uye kuisa mascaffold. Robert, uyo akashanda nemadzimai pamabasa akawanda anoti, “vanoisa pfungwa pabasa, vane chido nebasa ravo uye vanoriita nemazvo.” Tom, uyo anoita basa rekuyera kukura kwenzvimbo, anowedzera kuti: “Madzimai atinoshanda nawo anonyatsoita nemo nemo uye anoshanda nesimba. Vanoda kuti rinyatsobuda zvakanaka.”

Ndokusaka mumwe anotungamirira imwe timu anonzi Fergus akazoti: “Madzimai anoita basa rakakura pabasa rekuvaka!”

a Considerate Constructors Scheme isangano rakazvimirira rinoona nezvekuvandudzwa kwebasa rekuvaka muBritain.