Enda pane zvauri kuda

Kutsungirira Matambudziko

Zvapupu ZvaJehovha zvakaona kuti kuva nezvinetso zveutano kana kuremara hakufaniri kuita kuti vasafara uye vasagutsikana muupenyu.

“Jehovha Akatiponesa”

Sowbhagya akanga asisina tariro zvekuti akafunga kuzviuraya uye kuurayawo mwanasikana wake. Chii chakaita kuti achinje mafungiro ake uye ave nechinangwa muupenyu?

DeJanerio Brown: Zvakatirwadza Asi Hazvina Kutiparadza

Jehovha anobatsira sei vaya vanenge vangoerekana vawirwa nematambudziko?

Anobatsira Vamwe Pasinei Nematambudziko Eutano

Maria Lúcia anokwanisa kubatsira sei vamwe kunyange zvazvo asinganzwi kana kuona?

Kushumira Jehovha Panguva Dzakaoma muVenezuela

Hama nehanzvadzi dzedu dzekuVenezuela dziri kuramba dzichishingaira pakuparidza uye ‘dziri kunyaradzana zvikuru.’

Kunyaradza Vamwe Pasinei Nedambudziko Reutano

Clodean aisada kuramba achifunga nezvemarwadzo ake, saka akakumbira Mwari kuti amupe simba rekuti akwanise kunyaradza vamwe.

Ari Kutsungirira Pasinei Nedambudziko Rake

Virginia ava nemakore 23 aine chirwere chinonzi locked-in syndrome. Asi tariro yake semuKristu inomunyaradza uye inomudzivirira.

Kunamata Mwari Ndiwo Mushonga Wake!

Onesmus akaberekwa aine chirwere chemapfupa asina kusimba. Zvinovimbiswa naMwari zviri muBhaibheri zvakamukurudzira sei?

Kurwara Kwangu Kunondisimbisa

Kutenda kunoita kuti mukadzi anorarama ari pawiricheya awane “simba rinopfuura renguva dzose.”

Jehovha Akandipa Zvinopfuura Zvandaikodzera Kuwana

Alarcón akava netariro muupenyu pashure pekuita tsaona ari pamudhudhudhu iyo yakamuremadza kubva pamutsipa zvichidzika.

Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandinakira

Sarah Maiga akaguma kureba paakanga ava nemakore 9, asi haana kuguma kukura pakunamata.

Ndakanyaradzwa Panguva Chaiyo

Miklós Aleksza akaita tsaona yakamuremadza ava nemakore 20. Bhaibheri rakamubatsira sei kuti ave netariro yeramangwana?

“Kana Kingsley Achizvigona, Handingambozvitadzi!”

Kingsley, wokuSri Lanka, akatora nguva yakareba chaizvo achigadzirira hurukuro yaaizopa mumaminitsi mashomanana chete.

Maoko Angu Ndiwo Maziso

James Ryan akazvarwa ari matsi, akazopedzisira asingachaoni. Chii chakamubatsira kuti ararame upenyu hune chinangwa?

Kuva Matsi Hakuna Kunditadzisa Kudzidzisa Vamwe

Walter Markin haakwanisi kunzwa, asi awana mufaro uye mubayiro pakushumira Jehovha Mwari.

Jairo Anoshandisa Maziso Chete Pakushumira Mwari

Pasinei nekuti anorwara nemhando iyi yechirwere chakaipisisa checerebral palsy, Jairo anorarama upenyu hune chinangwa.

Kugamuchira Chokwadi cheBhaibheri Ndisina Maoko

Murume akaremadzwa nemagetsi, asi ava kutenda kuti kune Musiki.

“Handirambi Ndichingofunga Nezveurwere Hwangu”

Chii chinobatsira Elisa kuti atsungirire urwere hwake uye kuti ambokanganwa kurwadziwa kwake?

Haana Kuchinja Zvaanotenda

Song Hee Kang akanga aine chirwere chaigona kumuuraya paaiva nemakore 14 asi akazorapwa.