Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

2 Timoti 1:7—“Mwari Haana Kutipa Mweya Wokutya”

2 Timoti 1:7—“Mwari Haana Kutipa Mweya Wokutya”

 “Nekuti Mwari haana kutipa mweya weumbwende, asi wesimba newerudo newekuva nepfungwa dzakanaka.”—2 Timoti 1:7, BhaibheriShanduro Yenyika Itsva.

 “Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, noworudo nowokuzvidzora.”—2 Timoti 1:7, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa na2 Timoti 1:7

 Mwari anogona kubatsira munhu kuti ave neushingi hwekuita zvinhu zvakarurama. Mwari haadi kuti munhu ave ‘mbwende,’ kureva kutya kunoita kuti atadze kuita zvinofadza Mwari.

 Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvataurwa muvhesi iyi zvatinopiwa naMwari zvinotibatsira kuti tisatye kana kuti tisava mbwende.

 “Simba.” VaKristu vari kuramba vachishumira Mwari neushingi pasinei nekuti vari kupikiswa nevavengi vanotyisa uye vari kusangana nemamiriro ezvinhu akaoma. Havasi kurega kutya kuchivadzorera kumashure. (2 VaKorinde 11:23-27) Vari kukwanisa sei kuita izvi? Muapostora Pauro akati: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Mwari anogona kupa vashumiri vake ‘simba rakawedzerwa pane ravagara vainaro’ kuti vakurire chero dambudziko ravangasangana naro.—2 VaKorinde 4:7.

 “Rudo.” Kuda Mwari zvakadzama kunobatsira muKristu kuti ave neushingi hwekutsigira zvinhu zvakarurama. Uyewo, kuda muvakidzani kunoita kuti muKristu aise zvakanakira vamwe pekutanga, kunyange paanenge achipikiswa kana kuti upenyu hwake huri pangozi.—Johani 13:34; 15:13.

 “Pfungwa dzakanaka.” MuBhaibheri, kuva nepfungwa dzakanaka kunowanzoreva kukwanisa kunoita muKristu kuita zvisarudzo zvakanaka zvinoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Munhu ane pfungwa dzakanaka anokwanisa kuramba achifunga zvakanaka uye zvine musoro kunyange paanenge akaomerwa. Anokwanisa kuita zvisarudzo zvinoenderana nemafungiro aMwari, achiziva kuti ushamwari hwake naMwari hunokosha kupfuura zvinofungwa nevamwe vanhu.

Mashoko akapoteredza 2 Timoti 1:7

 Bhuku ra2 Timoti itsamba yakanyorwa nemuapostora Pauro kuna Timoti, shamwari yake yaaida uye yaaishanda nayo. Mutsamba iyi, Pauro akakurudzira murume uyu wechidiki Timoti kuti arambe achishanda nesimba muushumiri. (2 Timoti 1:1, 2) Timoti aigona kunge aiva munhu ainyara uye izvozvo zvaigona kumutadzisa kuti aite zvakawanda muungano yechiKristu. (1 Timoti 4:12) Asi Pauro akayeuchidza Timoti kuti akanga agamuchira chipo, kureva basa rinokosha rekushumira muungano yechiKristu. Akakurudzira Timoti kuti asazeza kushandisa simba rake semutariri muungano, paaiparidza mashoko akanaka uye paaitambudzirwa kutenda kwake.—2 Timoti 1:6-8.

 Kunyange zvazvo mashoko aya akanyorerwa Timoti, anoita kuti vese vanoda kushumira Mwari mazuva ano vave nechokwadi chekuti achavabatsira kuti vabudirire pasinei nedambudziko ravangasangana naro.