Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Genesisi 1:1—“Pakutanga Mwari Akasika Denga Nenyika”

Genesisi 1:1—“Pakutanga Mwari Akasika Denga Nenyika”

 “Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.”—Genesisi 1:1, Shanduro yeNyika Itsva.

 “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.”—Genesisi 1:1, Bhaibheri Dzvene muChishona Chanhasi.

Zvinorehwa naGenesisi 1:1

 Mashoko aya ekutanga eBhaibheri anotaura zvinhu zvechokwadi zviviri zvinokosha. Chekutanga, “denga nenyika,” kana kuti zvinhu zvese zvinooneka, zvine pazvakatangira. Chechipiri, zvakasikwa naMwari.—Zvakazarurwa 4:11.

 Bhaibheri haritauri kuti ndiriini Mwari paakasika denga nenyika, uyewo haritsananguri kuti akazvisika sei. Asi rinotsanangura kuti akazvisika achishandisa “simba rake guru kwazvo uye simba rake rinoshamisa.”—Isaya 40:26.

 Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “akasika” rinotsanangura zvinhu zvinongoitwa naMwari chete. a MuBhaibheri, Jehovha b Mwari ndiye ega anonzi Musiki.—Isaya 42:5; 45:18.

Zvinotaurwa nemamwe mavhesi anotevera Genesisi 1:1

 Vhesi iyi yekutanga yebhuku raGenesisi inosuma nhoroondo yekusikwa kwezvinhu iri muzvitsauko 1 ne2 zvebhuku iri. Kubva pana Genesisi 1:1 kusvika pa2:4, Bhaibheri rinotaura muchidimbu matanho akaitwa naMwari pakusika nyika nezvinhu zvese zvipenyu zviri pairi, kusanganisira murume nemukadzi vekutanga. Zvadaro, Bhaibheri rinobva razopa mashoko akati dzamei enhoroondo yekusikwa kwemurume nemukadzi.—Genesisi 2:7-25.

 Bhuku raGenesisi rinoti Mwari akasika zvinhu mumazuva 6. Aya aisava mazuva akareba maawa 24, asi zvikamu zvenguva zvisingataurwi kureba kwazvo. Chiripo ndechekuti, shoko rekuti “zuva” rinogona kureva nguva yakareba kupfuura maawa 24. Izvi zvinoratidzwa pana Genesisi 2:4, iyo inoshandisa shoko rekuti “zuva” sezvinongoitwa shoko rekuti “nguva” painotaura nezvebasa rese rekusika rakaitwa naMwari mumazuva 6 kuti rakaitwa “pazuva” rimwe chete.

Nhema Dzinotaurwa nevanhu nezvaGenesisi 1:1

 Zvavanofunga: Mwari akasika denga nenyika zviuru zvishoma zvemakore apfuura.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvakasikwa riini. Mashoko ari pana Genesisi 1:1 haapokani nezvinotaurwa mazuva ano zvekuti denga nenyika zvinofungidzirwa kuti zvava nemabhiriyoni emakore zviripo. c

 Zvavanofunga: Genesisi 1:1 inoratidza kuti Mwari Utatu nekuti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “Mwari” riri muuwandu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Shoko rekuti ’Elo·himʹ iro rinoshandurwa kuti “Mwari” ishoko rechiHebheru riri muuwandu, zvichiratidza simba kana kuti ukuru, kwete nhamba yevanhu. Bhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia rinobvuma kuti shoko rekuti ’Elo·himʹ sezvariri pana Genesisi 1:1, “rinonyorwa richitaura munhu mumwe chete, zvichiratidza kuremekedza kwete uwandu.”—Second Edition, Volume 6, peji 272.

Verenga Genesisi chitsauko 1 pamwe chete nemashoko emuzasi uye mamwe mavhesi anoenderana nearimo.

a Richitaura nezveshoko iri, HCSB Study Bible rinoti: “Shoko rechiito rechiHebheru rekuti bara’, kureva ‘kusika,’ haritomboshandiswi kurondedzera zvakaitwa nemunhu. Saka shoko rekuti bara’ rinotaura nezvebasa rinoshamisa rakaitwa naMwari.”—Peji 7.

b Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

c Richitaura nezvenguva inorehwa neshoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “pakutanga,” bhuku rinonzi The Expositor’s Bible Commentary rinoti: “Shoko racho haribudisi pachena kuti nguva iyoyo yakanga yakareba sei.”—Revised Edition, Volume I, peji 51.