Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Jeremiya 29:11—“Ndinoziva Urongwa Hwandiinahwo Pamusoro Penyu”

Jeremiya 29:11—“Ndinoziva Urongwa Hwandiinahwo Pamusoro Penyu”

 “‘Ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, a ‘pfungwa dzerugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei ramangwana rakanaka netariro.’”—Jeremiya 29:11, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “‘Ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.’”—Jeremiya 29:11, Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naJeremiya 29:11

 Jehovha Mwari akavimbisa vashumiri vake kuti ari kuvarongera ramangwana rakanaka. Kunyange zvazvo mashoko aya akanyorerwa vashumiri vake vekare, vimbiso iyi ichiri kushandawo nhasi. ‘NdiMwari anopa tariro.’ (VaRoma 15:13) Akatoita kuti mashoko iwayo anyorwe muBhaibheri kuitira “kuti tive netariro.”—VaRoma 15:4.

Mashoko akapoteredza Jeremiya 29:11

 Mashoko aya aiva mutsamba yakanyorerwa vaIsraeri vaiva muBhabhironi, vakanga vatapwa kubva kuJerusarema vakaendeswa kuBhabhironi. b (Jeremiya 29:1) Mwari akanga avaudza kuti vaizoita makore akawanda vari ikoko saka vaifanira kuvaka dzimba, kudyara minda, uye kuva nemhuri. (Jeremiya 29:4-9) Asi Mwari akavaudza kuti: “Kana makore 70 apera muri kuBhabhironi, ndichafunga nezvenyu, uye ndichazadzisa vimbiso yangu nekukudzosai munzvimbo ino.” (Jeremiya 29:10) Iyi yakanga iri vimbiso yekuti haasi kuzovakanganwa uye vachadzokera kumusha kwavo.—Jeremiya 31:16, 17.

 Mwari akazadzisa zvaakanga avimbisa vaIsraeri. Sekutaura kwaakanga aita, Bhabhironi rakakundwa naMambo wePezhiya ainzi Koreshi. (Isaya 45:1, 2; Jeremiya 51:30-32) Koreshi akazobvumira vaJudha kuti vadzokere kumusha kwavo. Vakazodzokera kuJerusarema pashure pemakore 70 vari kuBhabhironi.—2 Makoronike 36:20-23; Ezra 3:1.

 Kuzadziswa kwevimbiso iri pana Jeremiya 29:11 kunoita kuti vashumiri vaMwari vave nechokwadi chekuti zvimwe zvaakativimbisa zvichazadzika. Zvimwe zvacho ndezvekuti achaita kuti panyika pave nerugare achishandisa Umambo hwake hunenge huchitongwa naJesu Kristu.—Pisarema 37:10, 11, 29; Isaya 55:11; Mateu 6:10.

Nhema Dzinotaurwa Nevanhu nezvaJeremiya 29:11

 Zvavanofunga: Zvese zvinoitika muupenyu hwemunhu zvakatorongwa naMwari.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari anopa vanhu rusununguko kuti vazvisarudzire mararamiro avanoda. Mashoko ake ari pana Jeremiya 29:11 akanyorerwa vaIsraeri vaiva muBhabhironi uye akaataura achifunga nezvavo serudzi. (Jeremiya 29:4) Asi Mwari akapa munhu mumwe nemumwe rusununguko kuti asarudze kana achida kuteerera zvaakataura. (Dheuteronomi 30:19, 20; Jeremiya 29:32) Vaya vakateerera vakanyengetera kwaari vachiratidza kuti vaimutsvaga nemwoyo wese.—Jeremiya 29:12, 13.

 Zvavanofunga: Mwari anokomborera vashumiri vake nekuvapa upfumi.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Shoko rekuti “kubudirira” rinowanikwa mune mamwe maBhaibheri pana Jeremiya 29:11, rakaturikirwa kubva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “rugare, utano hwakanaka uye mufaro.” Tichitarisa kuri kubva nenyaya yacho, Mwari akanga asiri kuvimbisa vaIsraeri upfumi asi aivavimbisa rugare uye upenyu husina matambudziko. Rudzi rwavo rwaisazotsakatika uye rimwe zuva vaizodzokera kuJerusarema.—Jeremiya 29:4-10.

Verenga Jeremiya chitsauko 29 pamwe chete nemashoko emuzasi uye mamwe mavhesi anoenderana nearimo.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

b Bhuku rinonzi The Expositor’s Bible Commentary richitaura nezvaJeremiya 29:11 rinoti: “Vhesi iyi ndiyo inonyatsoratidza kuti Yahwe [kureva Jehovha] aida zvakadzama vanhu vake uye yaiva nemashoko aiita kuti vave netariro.”—Volume 7, peji 360.