Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Mika 6:8—“Famba naMwari Wako Wakazvininipisa”

Mika 6:8—“Famba naMwari Wako Wakazvininipisa”

 “Mwari akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi, iwe munhu. Jehovha anoda kuti uitei? Chaanongoda ndechekuti uite zvakarurama, ukoshese kuvimbika, uye kuti uve nemwero pakufamba naMwari wako!”—Mika 6:8, BhaibheriShanduro Yenyika Itsva.

 “Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye kuti ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.”—Mika 6:8, Bhaibheri Dzvene muChishona Chanhasi.

Zvinorehwa naMika 6:8

 Muprofita Mika anotsanangura kuti hazvina kunyanya kuoma kuti vanhu vafadze Jehovha a Mwari. (1 Johani 5:3) Zvinhu zvitatu zvatinotarisirwa kuti tiite naMwari zvinotaurwa muvhesi iyi. Zviviri zvekutanga zvine chekuita nemabatiro atinoita vamwe uye chechitatu chine chekuita neukama hwedu naMwari.

 “Uite zvakarurama.” Mwari anoda kuti vanamati vake vaite zvakarurama. Izvi zvinoreva kuti zvinhu zvatinofunga nezvatinoita zvinofanira kuenderana nemitemo yaMwari. (Dheuteronomi 32:4) Semuenzaniso, vaya vanoteerera mitemo yaMwari vanoita zvese zvavanogona kuti vave vanhu vakatendeseka uye vasingasaruri vamwe nenyaya yekwavanobva, rudzi rwavo kana kuti chinzvimbo chavainacho.—Revhitiko 19:15; Isaya 1:17; VaHebheru 13:18.

 “Ukoshese kuvimbika.” Mashoko aya anogonawo kutaurwa achinzi “ude rudo rusingachinji.” (Mika 6:8, mashoko emuzasi) MuchiHebheru, shoko rekuti “kuvimbika” rinoreva kuti hatingogumiri pakuva akatendeka kune mumwe munhu asi tinotoita zvinopfuura zvatinotarisirwa kuti tiite nekumuratidza mutsa uye kumunzwira tsitsi. Mwari anoda kuti vaya vanoda kumufadza vakoshese kana kuti vade kuratidza vamwe mutsa uye kuvanzwira tsitsi. Izvi zvinoreva kuti vanamati vake vanofanira kufara pavanobatsira vamwe kunyanya vaya vanoda kubatsirwa. Kupa kunoita kuti tifare.—Mabasa 20:35.

 “Uve nemwero pakufamba naMwari wako.” MuBhaibheri, shoko rekuti “kufamba” rinogona kureva “kuramba uchiita chimwe chinhu.” Munhu anofamba naMwari nekurarama nenzira inoita kuti Mwari afare. Mumwe munhu akaita izvozvo ndiNoa. “Akafamba naMwari wechokwadi” nekuti akanga akarurama pamberi paMwari uye “akanga asina mhosva pakati pevanhu venguva yake.” (Genesisi 6:9) Mazuva ano, ‘tinofamba naMwari’ nekurarama tichitevedzera zvinodzidziswa muShoko rake, Bhaibheri. Kuti tiite izvi, tinofanira kuva vanhu vanozvininipisa tobvuma kuti tine zvatinokanganisa uye kuti tinoda kubatsirwa naMwari pazvinhu zvese.—Johani 17:3; Mabasa 17:28; Zvakazarurwa 4:11.

Mashoko akapoteredza Mika 6:8

 Mika aiva muprofita muIsraeri kubva muna 777 kusvika ku717 B.C.E. Panguva iyoyo, vanhu vainamata zvidhori, vaiita uori uye vaidzvinyirira vamwe. (Mika 1:7; 3:1-3, 9-11; 6:10-12) VaIsraeri vakawanda vakanga vasingateereri mitemo yaMwari yakanga yakanyorwa muMutemo wakapiwa Mozisi, wainzi Mutemo waMozisi. Uyewo vakawanda vaizvinyengera vachifunga kuti vaigona kufarirwa naMwari nekungoita dzimwe tsika dzine chekuita nekunamata uye kupa zvibayiro.—Zvirevo 21:3; Hosiya 6:6; Mika 6:6, 7.

 Pashure pemakore akawanda Mika afa, Jesu akataurazve kuti baba vake vanofarira vaya vanoratidza rudo, vanoda zvakarurama uye vanonzwira tsitsi uye kuti havafariri vaya vanonyepedzera kuzvipira kuna Mwari. (Mateu 9:13; 22:37-39; 23:23) Zvakataurwa naJesu zvinotibatsira kunzwisisa kuti Mwari anodei kuvanamati vake mazuva ano.

 Ona vhidhiyo pfupi iyi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raMika.

a Zita rekuti Jehovha rakashandurwa richibva pazita raMwari rechiHebheru rinoratidzwa nemabhii mana יהוה (YHWH), ayo anozivikanwa seTetragrammaton. Pavhesi iyi, dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzakabvisa zita iri dzichiisa rekuti “ISHE.” Kuti uzive zvakawanda nezvaJehovha uye kuti nei dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzisingashandisi zita iri, ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?