Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvekuona Zvinonyadzisira? Kutaura Nezvebonde Paindaneti Kwakaipa Here?

Bhaibheri Rinotii Nezvekuona Zvinonyadzisira? Kutaura Nezvebonde Paindaneti Kwakaipa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri haritauri haro zvakajeka nezvekuona zvinonyadzisira, kutaura nezvebonde paindaneti kana kuti zvimwe zvinhu zvakada kurerekera ikoko. Asi rinotaura zvakajeka nezvekuti Mwari anoona sei zvinhu zvinoitwa pakutsigira bonde revanhu vasina kuroorana kana kuti kuva nemaonero asina kunaka nezvebonde. Ona mamwe mavhesi eBhaibheri:

  •   “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu.” (VaKorose 3:5) Kuona zvinonyadzisira kunotomutsa zvido zvakaipa panzvimbo pokuzviuraya. Kuona zvinonyadzisira kunoita kuti munhu ave asina kuchena pamberi paMwari.

  •   “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Mifananidzo younzenza inokuchidzira pfungwa dzakaipa dzinozoita kuti munhu aite zvinhu zvakaipa.

  •   “Ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu.” (VaEfeso 5:3) Hatifaniri kunakidzwa nokutaura zvinhu zvounzenza kunyange kuzviona kana kuzviverenga.

  •   “Mabasa enyama anooneka, uye ndeaya, ufeve, kusachena, . .  nezvinhu zvakaita seizvi. Ndiri kufanokunyeverai pamusoro pezvinhu izvi, sokufanokunyeverai kwandakamboita, kuti vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (VaGaratiya 5:19-21) Vanhu vanoona zvinonyadzisira, vanotaura nezvebonde paindaneti, kana pafoni kana vanotumirana mameseji enyaya dzakadai, kuna Mwari vanhu ivava vanonzi vakasviba uye havana tsika. Kana tikaramba tichiita zvinhu zvakadaro, tinogona kupedzisira tisingachafarirwi naMwari.