Enda pane zvauri kuda

Jesu Akafira Pamuchinjikwa Here?

Jesu Akafira Pamuchinjikwa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Vakawanda vanoti muchinjikwa ndicho chiratidzo chevaKristu. Asi Bhaibheri haritauri kuti Jesu akaurayirwa padanda rakaita sei. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rine umboo hunoratidza kuti Jesu haana kurovererwa pamuchinjikwa asi padanda.

 Bhaibheri rinowanzoshandisa shoko rechiGiriki rokuti stau·rosʹ richireva pakarovererwa Jesu. (Mateu 27:40; Johani 19:17) Kunyange zvazvo maBhaibheri akasiyana-siyana achishandisa shoko rokuti “muchinjikwa,” vaongorori vakawanda vanobvumirana kuti shoko iri rechiGiriki rinoreva “danda rakatwasuka.” a Maererano nebhuku rinonzi A Critical Lexicon and Concordance to the English uye Greek New Testament, shoko rokuti stau·rosʹ “harirevi matanda maviri akachinjikwa.”

 Rimwe shoko rechiGiriki rinoshandiswa muBhaibheri rakafanana nerokuti stau·rosʹ ndixyʹlon. (Mabasa 5:30; 1 Petro 2:24) Shoko iri rinoreva “muti,” “puranga,” kana kuti “danda.” b Bhuku rinonzi The Companion Bible rinobva rati: ‘MuTestamende Itsva yechiGiriki hapana panoratidza kuti shoko iri rinoreva mapuranga maviri.’

Muchinjikwa unofanira kushandiswa here pakunamata Mwari?

Crux simplex​—shoko rechiLatin rinoreva danda rimwe chete raishandiswa pakuroverera vanhu vanenge vapara mhosva

 Pasinei nokuti Jesu akarovererwa padanda rakaita sei, pfungwa dzinotevera uye mavhesi eBhaibheri zvinoratidza kuti hatifaniri kushandisa muchinjikwa pakunamata.

  1.   Mwari haadi kuti vanhu vamunamate vachishandisa mifananidzo nezviratidzo, kusanganisira muchinjikwa. Mwari akarayira vaIsraeri kuti vasashandisa “mufananidzo wechiratidzo chero wechinhu chipi zvacho” pakunamata kwavo, uye vaKristu vanoudzwawo kuti “tizai kunamata zvidhori.”​—Dheuteronomio 4:15-19; 1 VaKorinde 10:14.

  2.   VaKristu vepakutanga-tanga vakanga vasingashandisi muchinjikwa pakunamata. c Dzidziso dzevaapostora uye maitiro avaiita zvinhu zvinoratidza zvinofanira kuitwa nevaKristu vose panyaya iyi.​—2 VaTesaronika 2:15.

  3.   Kushandisa muchinjikwa pakunamata kwakatangira muchihedheni. d Mazana emakore pashure pokunge Jesu afa, panguva apo chechi dzakanga dzava kusiya dzidziso dzake, vatsva vaiuya kuchechi “vaibvumirwa kuramba vaine zvinhu zvavaishandisa muchihedheni,” kusanganisira muchinjikwa. (The Expanded Vine’s Expository Dictionary of New Testament Words) Asi Bhaibheri haribvumiri kushandiswa kwemichinjikwa nezvimwe zvakarerekera ikoko senzira yokutendeutsa vanhu.​—2 VaKorinde 6:17.

a Ona bhuku rinonzi New Bible Dictionary, Third Edition, rakanyorwa naD. R. W. Wood, peji 245; Theological Dictionary of the New Testament, Volume VII, peji 572; The International Standard Bible Encyclopedia, Revised Edition, Volume 1, peji 825; uye The Imperial Bible-Dictionary, Volume II, peji 84.

b Ona bhuku rinonzi The Expanded Vine’s Expository Dictionary of New Testament Words, peji 1165; A Greek-English Lexicon, rakanyorwa naLiddell uye Scott, Ninth Edition, peji 1191-​1192; uye Theological Dictionary of the New Testament, Volume V, peji 37.

c Ona bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica, 2003, pakanzi “Cross”; The Cross​—Its History and Symbolism, peji 40; uye The Companion Bible, Oxford University Press, appendix 162, peji 186.

d Ona bhuku rinonzi The Encyclopedia of Religion, Volume 4, peji 165; The Encyclopedia Americana, Volume 8, peji 246; uye Symbols Around Us, mapeji 205-​207.