Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?

Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?

Mhinduro yeBhaibheri

MuBhaibheri hamuna mashoko ekuti kubvisa pamuviri, asi mune magwaro akawanda anoratidza maonero anoita Mwari upenyu, kusanganisira hwemwana asati aberekwa.

Upenyu chipo chinobva kuna Mwari. (Genesisi 9:6; Pisarema 36:9) Upenyu hwese hunokosha kwaari, kusanganisira hwemwana ari mudumbu. Saka kana munhu akauraya mwana asati aberekwa, anenge atori mhondi.

Mutemo waMwari wakapiwa vaIsraeri waiti: “Kana varume vakarwisana, vokuvadza mukadzi ane pamuviri uye mukadzi wacho osununguka nguva yake isati yakwana asi pasina afa, apara mhosva wacho anofanira kuripa zvaanenge anzi aripe nemurume wemukadzi wacho; uye muripo wacho unofanira kusvitswa nekuvatongi. Asi kana paine afa, munofanira kutsiva upenyu neupenyu.”—Eksodho 21:22, 23. a

 Upenyu hwemunhu hunotangira papi?

Kuna Mwari, upenyu hwemunhu hunotangira mukadzi paanongobata pamuviri. MuShoko rake Bhaibheri, Mwari anoratidza kuti anoona mwana asati aberekwa semunhu akazvimiririra. Ona mimwe mienzaniso inoratidza kuti mukuona kwaMwari upenyu hwemwana asati aberekwa nehwemwana aberekwa hwakangofanana.

  • Afemerwa nemweya mutsvene, Mambo Dhavhidhi akati kuna Mwari: “Maziso enyu akatondiona ndichangotanga kuumbwa.” (Pisarema 139:16) Mwari aiona Dhavhidhi semunhu kunyange asati aberekwa.

  • Uyewo Jeremiya asati aberekwa, Mwari aiziva kuti aizopa muprofita Jeremiya basa rinokosha. Mwari akati kwaari: “Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu, uye ndakakutsvenesa usati waberekwa. Ndakakuita muprofita kumarudzi.”—Jeremiya 1:5.

  • Munyori weBhaibheri Ruka, uyo aiva chiremba akashandisa shoko rimwe chete rechiGiriki paaitaura nezvemwana asati aberekwa nepaaitaura nezvemwana achangobva kuzvarwa.—Ruka 1:41; 2:12, 16.

 Mwari anoregerera munhu anenge abvisa pamuviri here?

Vanhu vakambobvisa pamuviri vanogona kuregererwa naMwari. Kana vava kuona upenyu semaonerwo ahunoitwa naMwari havafaniri kuramba vachingozvipa mhosva. “Jehovha ane ngoni netsitsi . . . Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira, Saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.” b (Pisarema 103:8-12) Jehovha anokanganwira vanhu vese vanopfidza zvepachokwadi zvivi zvavo, kusanganisira kubvisa pamuviri.—Pisarema 86:5.

 Kubvisa pamuviri kwakaipa here kana upenyu hwaamai kana kuti hwemwana huri pangozi?

Tichifunga nezvezvinotaurwa neBhaibheri nezveupenyu hwemwana asati aberekwa, zvaisazova zvakakodzera kuti munhu abvise pamuviri nekuti utano hwake kana kuti hwemwana hungangova pangozi.

Ko zvikaitika kuti mwana paanenge akuzvarwa, panova nemamiriro ezvinhu anoda kuti paitwe chisarudzo chekuti voponesa mwana here kana kuti amai vacho? Pakadaro, vanobatanidzwa vanofanira kuzvisarudzira vega.

a Dzimwe shanduro dzinoita kuti mutemo uyu uite sekuti waishanda kuupenyu hwaamai kwete hwemwana asati aberekwa. Asi mashoko acho echiHebheru anoratidza kuti mutemo uyu waitaura nezvavo vese, amai kana mwana wacho.

b Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.