Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvekugara Pamwe Chete Musina Kuchata?

Bhaibheri Rinotii Nezvekugara Pamwe Chete Musina Kuchata?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinoti Mwari anoda kuti vanhu ‘varege upombwe.’ (1 VaTesaronika 4:3) Parinoshandiswa muBhaibheri, shoko rekuti “upombwe” rinosanganisira varume vanoita vamwe varume vakadzi, uye munhu anorara nemurume kana mudzimai asiri wake.

 Nei zvichikosha kuna Mwari kuti murume nemukadzi vachate?

  •   Mwari ndiye akatanga urongwa hwekuti vanhu varoorane. Akaita kuti vanhu vaviri vekutanga vave murume nemudzimai vakaroorana. (Genesisi 2:22-24) Haana kumboti murume nemukadzi vagare pamwe chete vasina kuroorana zviri pamutemo.

  •   Mwari anoziva zvakanakira vanhu. Akaita kuti muchato uve mubatanidzwa usingagumi pakati pemurume nemudzimai, uyo waizobatsira vese mumhuri uye kuvachengetedza. Chimbofunga nezvemuenzaniso uyu. Mugadziri wemidziyo ndiye anotipa mirayiridzo yekuti tingashandisa sei zvakanaka mudziyo wacho. Kungofanana neizvi, mirayiro yaMwari inotiudza zvekuita kuti tive nemhuri dzakanaka. Mitemo yaMwari yagara ichibatsira vaya vanoitevedzera.—Isaya 48:17, 18.

    Munhu akagadzira mudziyo ndiye anotipa mirayiro yekuratidza kuti tinoshandisa sei mudziyo wacho. Mirayiro yaMwari inotiudza zvekuita kuti tive nemhuri dzinofara

  •   Vanhu vakaita bonde vasati vachata zvinogona kukonzera matambudziko akakura. Semuenzaniso, zvinogona kuguma nepamuviri pasingadiwi, zvirwere zvinotapuriranwa pabonde uye kushushikana mupfungwa. a

  •   Mwari akabvumira bonde senzira yekuti vanhu vaberekane. Mwari anokoshesa upenyu, uye kukwanisa kubereka chipo chinobva kwaari. Mwari anoda kuti tiremekedze chipo ichocho nekukoshesa urongwa hwake hwekuroorana.—VaHebheru 13:4.

 Zvakadii nekumbogara pamwe chete musina kuchata muchimboona kuti munozokwanisa kugarisana here?

 Kumbogara pamwe chete musina kuchata muchimboona kuti zvinoita here kuti muzogarisana, hakuiti kuti pave nemba inobudirira. Asi rudo runosimba kana vakaroorana vacho vakazvipira kune mumwe wavo uye vakashanda pamwe chete kuti vakunde matambudziko. b Muchato unoita kuti munyatsozvipira.—Mateu 19:6.

 Vakaroorana vangava sei newanano yakasimba?

 Wanano dzese dzinoumbwa nevanhu vanotadza. Zvisinei, vakaroorana vanogona kuva nemufaro mumba mavo kana vakashandisa mazano ari muBhaibheri. Ngationei mienzaniso inotevera:

a Ona nyaya inoti “Vechidiki Vanobvunza Kuti . . . Ko Kana Ndichimanikidzwa Kuita Bonde?

b Ona nyaya yakanzi “Mhuri Dzinofara—Kuzvipira.