Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvekutaura Nendimi?

Bhaibheri Rinotii Nezvekutaura Nendimi?

Mhinduro yeBhaibheri

 ‘Kutaura nendimi’ chishamiso chekutaura mumwe mutauro kwaiitwa nevamwe vaKristu vakararama pakatanga chiKristu vasina kumbotanga vaudzidzira. (Mabasa 10:46) Munhu aitaura nendimi ainzwisiswa zviri nyore nemunhu aiziva mutauro wacho. (Mabasa 2:4-8) Kutaura nendimi chaiva chimwe chezvipo zvemweya mutsvene izvo Mwari akapa vamwe vaKristu vakararama pakatanga chiKristu.​—VaHebheru 2:4; 1 VaKorinde 12:4, 30.

 Kutaura nendimi kwakatangira kupi uye kwakatanga rini?

 Chishamiso ichi chakatanga kuitika muJerusarema pamutambo wevaJudha wePendekosti muna 33 C.E. ari mangwanani. Vadzidzi vaJesu vanenge 120 vakanga vakaungana uye ‘vese vakazadzwa nemweya mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi.’ (Mabasa 1:15; 2:1-4) Boka guru revanhu “vakanga vabva kumarudzi ose evari pasi pedenga” vakaungana, uye “mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura nomutauro wake.”​—Mabasa 2:5, 6.

 Nei vanhu vaitaura nendimi?

  1.   Dzairatidza kuti Mwari akanga achitsigira vaKristu. Kare, Mwari aiita zvishamiso kuti aratidze kuti akanga achitsigira vanhu vakatendeka vakadai saMosesi. (Eksodho 4:1-9, 29-31; Numeri 17:10) Saizvozvowo, kutaura nendimi kwairatidza kuti Mwari akanga ari kutsigira ungano yechiKristu yakanga ichangobva kutangwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndimi hadzisi dzechiratidzo kuvatendi, asi kune vasingatendi.”—1 VaKorinde 14:22.

  2.   Dzaibatsira vaKristu kuti vanyatsoparidza. Vaya vakanzwa vateveri vaJesu vachitaura nendimi paPendekosti vakati: “Tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu pamusoro pezvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mabasa 2:11) Saka chimwe chinangwa chikuru chechishamiso ichi chaiva chekubatsira vaKristu kuti ‘vapupure kwazvo’ uye kuti ‘vaite kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi,’ sezvavakanga varayirwa naJesu. (Mabasa 10:42; Mateu 28:19) Vanenge 3 000 vakateerera zvaitaurwa pakaitika chishamiso ichi uye vakava vadzidzi zuva iroro.​—Mabasa 2:41.

 Vanhu vaizoramba vachitaura nendimi here?

 Kwete. Zvipo zvemweya mutsvene, kusanganisira kutaura nendimi, zvakanga zvingori zvenguva pfupi. Bhaibheri rakagara rataura kuti: “Kana zviri zvipo zvokuprofita, zvichagumiswa; kana dziri ndimi, dzichaguma.”​—1 VaKorinde 13:8.

 Kutaura nendimi kwakaguma riini?

 Zvipo zvemweya zvaipiwa kune vamwe vaKristu paine vaapostora, uye kakawanda vaapostora vacho ndivo vaiisa maoko pane vavainamata navo. (Mabasa 8:18; 10:44-46) Zvinoita sekuti vaya vakawana zvipo zvemweya kubva kuvaapostora havana kuzozvipawo vamwe. (Mabasa 8:5-7, 14-17) Tingazvienzanisa seizvi: Mushandi wehurumende anopa vanhu zvitambi zvekutyaira motokari, asi munhu anenge apiwa chitambi haapiwi kodzero yekupawo mumwe munhu chitambi. Saka zvinoita sekuti kutaura nendimi kwakaguma pakafa vaapostora nevamwe vakanga vagamuchira chipo ichi kubva kwavari.

 Ko ndimi dziri kutaurwa mazuva ano?

 Chishamiso chekutaura nendimi chinofanira kunge chakaguma gore ra100 C.E. rava kuda kusvika. Saka ndimi dziriko mazuva ano hadzinganzi dziri kutaurwa pachishandiswa simba raMwari. a

 VaKristu vechokwadi vangazivikanwa sei?

 Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaizozivikanwa nekuratidzana rudo. (Johani 13:34, 35) Muapostora Pauro akadzidzisawo kuti vaKristu vechokwadi vaizozivikanwa nekugara vachiratidzana rudo. (1 VaKorinde 13:1, 8) Akaratidza kuti mweya waMwari waizoita kuti vaKristu vave nechinonzi ‘chibereko chemweya,’ uye rudo ndirwo runotanga kutaurwa pazvinhu zvinoumba chibereko chacho.​—VaGaratiya 5:22, 23.

a Ona nyaya inoti “Kutaura Nendimi​—Kunobva Kuna Mwari Here?