Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinodzidzisa Kuti Nyika Yakati Sandara Here?

Bhaibheri Rinodzidzisa Kuti Nyika Yakati Sandara Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa, Bhaibheri haridzidzisi kuti nyika yakati sandara. a Bhaibheri harisi bhuku resainzi. Asiwo haripesani nezvinotaurwa nesainzi. Zvarinotaura zvinovimbwa nazvo ‘nekusingaperi uye nekusingagumi.’—Pisarema 111:8.

 Bhaibheri rinorevei parinoti “migumo mina yenyika”?

 Mashoko ari muBhaibheri ekuti “migumo mina yenyika” uye “migumo yenyika” haafaniri kutorwa sezvaari, kuita sekuti nyika ine makona mana kana kuti ine kwainogumira. (Isaya 11:12; Jobho 37:3) Mashoko aya zvirungamutauro zvinongoreva kuti nyika yese. Bhaibheri rinotaurawo kuti kune kuchamhembe, kumaodzanyemba, kumabvazuva nekumavirira.—Ruka 13:29.

 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “migumo” rinofanira kunge rakabva padimikira rine shoko rinoreva kuti “mapapiro.” Kuwirirana nezviri mubhuku rinonzi The International Standard Bible Encyclopedia, ‘mapapiro eshiri anoshandiswa kuvharidzira manyana. Saka shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti ‘migumo’ rinoreva chinhu chakatambanuka.’ Bhuku iri rinotiwo pana Jobho 37:3 uye Isaya 11:12, “shoko racho rinoreva mhenderekedzo, miganhu kana kuti kunoperera nyika.” b

 Ko zvakataurwa naSatani paaiedza Jesu?

 Bhaibheri rinoti: “Dhiyabhorosi akaenda [naJesu] kugomo refu refu, akamuratidza umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.” (Mateu 4:8) Vamwe vanoti nyaya iyi iri muBhaibheri inototiratidza kuti nyika yakati sandara uye ndicho chikonzero nei Jesu akakwanisa kuona nyika yese. Asi “gomo refu refu” iri rakanga risiri gomo chairo chairo. Inzwa zvikonzero zvinoita kuti tidaro.

  •   Hapana gomo rekuti munhu akakwira anokwanisa kuona umambo hwese huri panyika.

  •   Satani akaratidza Jesu umambo hwese hwepanyika uye “kubwinya kwahwo.” Munhu haakwanisi kuona zvese izvi ari kure, saka Satani anofanira kunge aine zvaakaita kuti Jesu aone zvese izvi. Izvi tinogona kuzvifananidza nemunhu anenge achiona paTV mapikicha enzvimbo dzakasiyana-siyana dziri pasi rese.

  •   Ruka 4:5 inotiwo Satani akaratidza Jesu “munguva pfupi pfupi . . umambo hwose hwenyika inogarwa,” asi munhu haakwanisi kuona zvinhu izvozvo nemaziso ake. Izvi zvinoratidza kuti Satani ane zvaakaita kuti Jesu aone zvese izvi.

a Bhaibheri richitaura nezvaMwari rinomuti “agere pamusoro pedenderedzwa renyika.” (Isaya 40:22) Mamwe mabhuku anoti shoko rashandiswa rekuti “denderedzwa” rinoreva chinhu cheraundi, asi dzimwe nyanzvi hadzibvumirani nazvo. Chero zvavangataura, asi Bhaibheri haridzidzisi kuti nyika yakati sandara.

b Revised Edition, Volume 2, peji 4.