Enda pane zvauri kuda

VaKristu Vanofanira Kuchengeta Sabata Here?

VaKristu Vanofanira Kuchengeta Sabata Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 VaKristu havafaniri havo kuchengeta sabata rinoitwa vhiki nevhiki. Vari pasi ‘pemutemo waKristu,’ uye mutemo wacho hautauri nezvokuchengeta Sabata. (VaGaratiya 6:2; VaKorose 2:16, 17) Nei tichidaro? Ngatitangei taona kuti Sabata rakatanga sei.

Chii chinonzi Sabata?

 Shoko rokuti “sabata” rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “zorora kana kuti rega kuita chimwe chinhu.” MuBhaibheri shoko rokuti sabata rinotanga kuoneka pamirayiro yakapiwa vaIsraeri. (Eksodho 16:23) Somuenzaniso, paMirayiro Gumi, wechi4 unoti: ‘Yeuka zuva resabata kuti uriite dzvene, unofanira kushanda uye unofanira kuita basa rako rose kwemazuva matanhatu. Asi zuva rechinomwe isabata rinoitirwa Jehovha Mwari wako. Usaita basa ripi neripi.’ (Eksodho 20:8-10) Zuva reSabata raitanga musi weChishanu zuva richinyura rozopera painyura zuva musi weMugovera. Panguva iyoyo, vaIsraeri vaisafanira kuita nzendo, kubatidza moto, kutsvaga huni, kana kutakura mitoro. (Eksodho 16:29; 35:3; Numeri 15:32-36; Jeremiya 17:21) Kutyora mutemo weSabata yaiva mhosva yaiurayisa.—Eksodho 31:15.

 Kuwedzera pasabata raiitwa vhiki nevhiki, karenda yechiJudha yaiva nemamwewo mazuva ainzi ndeesabata. Gore rechi7 nerechi50 rainziwo isabata. Saka vaIsraeri vakanga vasingarimi minda yavo kana kumanikidzwa kubhadhara zvikwereti pagore resabata.—Revhitiko 16:29-31; 23:6, 7, 32; 25:4, 11-14; Dheuteronomio 15:1-3.

Kufa kwakaita Jesu kwakaita kuti mutemo weSabata ugume kushanda

Nei vaKristu vasingachengeti Sabata?

 Sabata raifanira kuchengetwa chete nevanhu vaiva pasi poMutemo waMosesi. (Dheuteronomio 5:2, 3; Ezekieri 20:10-12) Mwari haana kumboti vamwe vanhu vachengete Sabata. Kufa kwakaita Jesu Kristu kwakazoita kuti vaJudha ‘vasunungurwewo paMutemo’ waMosesi, kusanganisira Mirayiro Gumi. (VaRoma 7:6, 7; 10:4; VaGaratiya 3:24, 25; VaEfeso 2:15) Saka pane kuti vaKristu vachengete Mutemo waMosesi, vanochengeta mutemo wekuva nerudo uyo unopfuura mimwe mitemo yose.—VaRoma 13:9, 10; VaHebheru 8:13.

Nhema pamusoro peSabata

 Nhema: Mutemo wokuchengeta Sabata wakatanga Mwari paakazorora pazuva rechi7.

 Chokwadi: Bhaibheri rinoti: “Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika.” (Genesisi 2:3, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Vhesi iyi haipi vanhu mutemo wokuti vazorore asi inotaura zvakaitwa naMwari pazuva rechi7 rokusika. Bhaibheri haritauri kuti pane munhu akambochengeta sabata mutemo waMosesi usati wapiwa.

 Nhema: VaIsraeri vaitochengeta Sabata Mutemo waMosesi usati wavapo.

 Chokwadi: Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu kuHorebhi,” nharaunda yakapoteredza Gomo reSinai. Sungano iyi yaisanganisira mutemo weSabata. (Dheuteronomio 5:2, 12) Zvaiitwa nevaIsraeri zvinoratidza kuti kuchengeta Sabata chaiva chinhu chitsva kwavari. Kana vaIsraeri vakanga vagara vachichengeta Sabata, nei Mwari akati kurichengeta kwaizovayeuchidza nezvokununurwa kwavakaitwa kuIjipiti? (Dheuteronomio 5:15) Nei vakaudzwa kuti vasanhonga mana pazuva rechi7? (Eksodho 16:25-30) Uye chii chakaita kuti vatadze kuziva zvokuita nemunhu akatanga kutyora mutemo weSabata?—Numeri 15:32-36.

 Nhema: Sabata isungano isingaperi saka richiri kufanira kuchengetwa.

 Chokwadi: Mamwe maBhaibheri anoti Sabata ‘isungano isingaperi.’ (Eksodho 31:16, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Asi shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “isingaperi” rinogonawo kureva kuti “inoramba iripo kusvikira kunguva isingazivikanwi,” kwete kuti nariini nariini. Somuenzaniso, Bhaibheri parinorondedzera nezveupristi hwevaIsraeri, rinohuti hwaizogara nokusingaperi. Asi Mwari akazogumisa upristi hwacho anenge makore 2 000 akapfuura.—Eksodho 40:15; VaHebheru 7:11, 12.

 Nhema: VaKristu vanofanira kuchengeta Sabata nokuti Jesu airichengeta.

 Chokwadi: Sezvo Jesu aiva muJudha aisungirwa kuchengeta Sabata, ndokusaka akarichengeta. (VaGaratiya 4:4) Asi paakazofa, sungano yoMutemo kusanganisira Sabata, zvakanga zvisingachashandi.—VaKorose 2:13, 14.

 Nhema: Sezvo muapostora Pauro aiva muKristu, aichengeta Sabata.

 Chokwadi: Pauro aienda kusinagogi paSabata, asi kwete nechinangwa chekunochengeta Sabata sezvaiitwa nevamwe vaJudha. (Mabasa 13:14; 17:1-3; 18:4) Asi aienda kuti anoparidza mashoko akanaka, nokuti panguva iyoyo vanhu vaigona kukokwa kuti vazoparidzira vanhu vainge vaungana kuti vanamate. (Mabasa 13:15, 32) Pauro aiparidza “mazuva ose,” kwete musi weSabata chete.—Mabasa 17:17.

 Nhema: VaKristu vanofanira kuchengeta Sabata musi weSvondo.

 Chokwadi: MuBhaibheri hamuna murayiro wokuti vaKristu vatsaure musi weSvondo, kuti vazorore uye vanamate. VaKristu vepakutanga vaishanda musi weSvondo sezvavaiita mazuva ose. Bhuku rinonzi The International Standard Bible Encyclopedia rinoti: ‘Musi weSvondo wakazotanga kunzi iSabata pashure pemakore anenge 300 Jesu afa. Panguva iyoyo Constantine mambo weRoma aiva muhedheni ndipo paakarayira kuti mamwe mabasa aisafanira kuitwa musi weSvondo.’ a

 Asi nemhaka yei mamwe mavhesi eBhaibheri achiita sokuti musi weSvondo izuva rinokosha? Bhaibheri rinoti muapostora Pauro akadya nevaainamata navo “pazuva rokutanga revhiki,” musi weSvondo, uye izvi zvaiva nomusoro nokuti Pauro aizoenda mangwana acho. (Mabasa 20:7) Dzimwe ungano dzakaudzwa kuti dziise padivi mari yokuyamura vanotambura “zuva rokutanga kwevhiki roga roga,” musi weSvondo. Izvi zvaingobatsira munhu pakuita bhajeti yake nguva ichiripo. Saka musi weSvondo waiva wekuti vanhu vaise mari yavo padivi vari kudzimba dzavo, kwete kuti vaende nayo musi iwoyo kwavainamatira.—1 VaKorinde 16:1, 2.

 Nhema: Pavhiki munhu mumwe nomumwe anofanira kuva nezuva rokuzorora uye rokunamata.

 Chokwadi: Bhaibheri rinotaura kuti muKristu mumwe nemumwe akasununguka kusarudza zvaanoda.—VaRoma 14:5.

a Onawo New Catholic Encyclopedia, Second Edition, Volume 13, papeji 608.