Enda pane zvauri kuda

“Varume Vatatu Vakachenjera” Vaiva Vanaani? Vakatevera “Nyeredzi” yeBhetrehema Here?

“Varume Vatatu Vakachenjera” Vaiva Vanaani? Vakatevera “Nyeredzi” yeBhetrehema Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kusiyana nezvinotaurwa nevakawanda panguva yeKrisimasi, Bhaibheri harishandisi mashoko ekuti “varume vatatu vakachenjera” kana kuti “madzimambo matatu” richireva vashanyi vakaenda kunoona Jesu paakaberekwa. (Mateu 2:1) Panzvimbo pezvo, mubhuku reBhaibheri raakanyora, Mateu akashandisa shoko rechiGiriki rekuti ma’goi achirondedzera vaya vakashanyira Jesu. Shoko iri rinogona kunge richireva nyanzvi dzinoongorora nyeredzi uye dzinoitawo zvimwe zvinhu zvechidhimoni. a Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzinovati “vazivi venyeredzi” kana kuti “magi.” b

 “Varume vakachenjera” vaiva vangani?

 Bhaibheri haritauri asi vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana panyaya yekuti vaiva vangani. Maererano nezvinotaurwa neEncyclopedia Britannica, “Vanhu vekuAsia vanoti vaiva 12, asi vekuEurope nekuAmerica vanoti vaiva 3, zvimwe vachizvitorera pazvipo zvitatu zvaiti ‘goridhe, zvinonhuhwirira zvichena, nemura’ (Mateu 2:11) zvakapiwa mucheche wacho.”

 “Varume vakachenjera” vaiva madzimambo here?

 Kunyange zvazvo panguva yeKrisimasi vashanyi ava vachiwanzoratidzwa saizvozvo, Bhaibheri harina parinombovati madzimambo. Maererano nezvinotaurwa neEncyclopedia Britannica, izvozvo “zvakazowedzeredzwa panyaya yekuberekwa kwaJesu” patopera mazana emakore.

 “Varume vakachenjera” vainzi vanaani?

 Bhaibheri haritauri mazita evazivi venyeredzi ivavo. Bhuku rinonzi The International Standard Bible Encyclopedia rinoti “kune vamwe vanopa varume ava mazita (akadai saGaspar, Melchior, uye Balthasar) asi dzinongova ngano.”

 “Varume vakachenjera” vakashanyira Jesu riini?

 Vazivi venyeredzi vanogona kunge vakashanyira Jesu pashure pemwedzi inoverengeka kubva pakaberekwa Jesu. Izvi tinozviziva zvichibva pakuti Mambo Herodhi, uyo aida kuti Jesu aurayiwe, akarayira kuti vakomana vaiva nemakore maviri zvichidzika vaurayiwe. Akarayira kudaro zvichibva pamashoko aakanga apiwa nevazivi venyeredzi.—Mateu 2:16.

 Vazivi venyeredzi havana kushanyira Jesu usiku hwemusi waakaberekwa. Bhaibheri rinoti: “Pavakapinda mumba, vakaona mwana wacho aina amai vake Mariya.” (Mateu 2:11) Izvi zvinoratidza kuti mhuri yacho yakanga yava kugara mumba uye kuti Jesu akanga asisiri karusvava kari muchidyiro.—Ruka 2:16.

 Mwari ndiye akaita kuti “varume vakachenjera” vatevere “nyeredzi” yeBhetrehema here?

 Vamwe vanotenda kuti Mwari ndiye akatumira nyeredzi yeBhetrehema kuti iratidze vazivi venyeredzi kwaiva naJesu. Ona kuti nei zvisingaiti kuti tidaro.

  •   Chinhu chaioneka senyeredzi chakaita kuti vazivi venyeredzi vatange kuenda kuJerusarema. Bhaibheri rinoti: “Vazivi venyeredzi vekuMabvazuva vakabva vasvika kuJerusarema, vachiti: ‘Aripiko iye akaberekwa ari mambo wevaJudha? Nekuti takaona nyeredzi yake patakanga tiri kuMabvazuva, uye tauya kuzomupfugamira.’”—Mateu 2:1, 2.

  •   Mambo Herodhi, kwete “nyeredzi,” ndiye akatanga kuudza vazivi venyeredzi kuti vaende kuBhetrehema. Paakanzwa nezvemumwe “mambo wevaJudha,” Herodhi akatsvaga kuti Kristu akavimbiswa aizoberekerwa kupi. (Mateu 2:3-6) Paakaziva kuti aizoberekerwa muBhetrehema, akaudza vazivi venyeredzi kuti vaende ikoko, votsvaga mwana wacho, uye vodzoka vachimuudza nezvake.

     Pashure pekunge vaudzwa izvozvo, vazivi venyeredzi ndipo pavakazonanga kuBhetrehema. Bhaibheri rinoti: “Pavakanga vaudzwa izvi namambo, vakaenda, uye nyeredzi yavakanga vaona pavakanga vari kuMabvazuva yakabva yatanga kuvatungamirira, kusvikira yamira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana wacho.”—Mateu 2:9.

  •   Kubva pakaonekwa “nyeredzi” zvinhu zvakatanga kuitika zvaiisa upenyu hwaJesu pangozi uye zvakazoguma zvaurayisa vana vasina mhosva. Vazivi venyeredzi pavakabuda muBhetrehema, Mwari akavanyevera kuti vasadzokera kuna Herodhi.—Mateu 2:12.

 Herodhi akaita sei nazvo? Bhaibheri rinoti: “Herodhi paakaona kuti akanga anyengerwa nevazivi venyeredzi, akabva ashatirwa kwazvo, akatuma vanhu, akaita kuti vana vakomana vese vaiva muBhetrehema nemumaruwa aro ese vaurayiwe, kubvira pazera remakore maviri zvichidzika, maererano nenguva yaakanga abvunza vazivi venyeredzi.” (Mateu 2:16) Mwari aisazomboita kuti chinhu chakaipa kudaro chiitike.—Jobho 34:10.

a Mumwe munyori wezvakaitika kare wechiGiriki anonzi Herodotus uyo akararama kuma400 B.C.E, akati panguva yaakararama paiva nevanhu vainzi ma’goi. Vanhu ava vaiva verudzi rwevaPezhiya uye vaiita zvekuongorora nyeredzi uye kududzira zviroto.

b Ona New American Standard Bible, The New American Bible, The New English Bible, uye New International Version Study Bible. Shanduro yeKing James Version inotaura nezvevashanyi ivavo ichiti “varume vakachenjera,” asi haitauri kuti vaiva vatatu.